14 SEPTEMBER 2022
NHAU DZEPASI RESE
Zvapupu zvaJehovha Zvatanga Kuparidza Paimba Neimba
Musi wa1 September 2022, Zvapupu zvaJehovha pasi rese zvakatangazve basa ravanga vakamirira nemwoyo wese rekuparidza paimba neimba iro ravanozikanwa naro kwese kwese. Tiri kufara chaizvo nekuti mumwedzi uyu waSeptember tiri kuita mushandirapamwe wekutsvaga vanhu vanoda kuita zvidzidzo zveBhaibheri. Kune dzimwe hama dzedu nehanzvadzi uyu waiva mukana wekutangazve nzira yekuita ushumiri yavajaira uye yavanoda chaizvo. Asi kune vamwe kaitova kekutanga kushanyira vavakidzani vavo vachivaudza zviri muBhaibheri. Ona zviitiko zvakaitika munyika dzakasiyana-siyana zvinotevera, zvinoratidza kuti gore rebasa ra2023 rakatanga zvine mutsindo.
Germany
Musi wa2 September 2022, Nicole naTina, vemuPetershagen iri muNorth Rhine-Westphalia vaiparidza mune chimwe chivakwa asi hapana munhu wavakawana pamba. Pavakanga vava kuenda, vakanzwa mumwe mukadzi achivashevedza. Mukadzi wacho akavaudza kuti haana kukwanisa kuuya pasuo hanzvadzi idzi padzakagogodza, uye akavakumbira kuti vadzoke kuzokurukura naye zviri muBhaibheri. Pavakapinda mumba memukadzi wacho, vakaona Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva patafura rairatidza kuti raigara richiverengwa. Akavaudza kuti akapiwa Bhaibheri racho paaigara kuItaly makore matatu ainge apfuura. Asi haana kuzomboonana neZvapupu zvaJehovha paakatamira kuGermany munguva yeCovid. Hanzvadzi dzedu dzakabva dzapanana naye nhamba dzefoni uye vakamukoka kumisangano. Pashure pemazuva maviri, mukadzi iyeye akauya kumisangano nevana vake vaviri. Pakarongwa kuti mukadzi uyu adzidziswe Bhaibheri.
Guatemala
Manuel naKarol Gastelum vanoshanda semapiyona chaiwo mundima inotaurwa mutauro wechiMam. Vakaona mumwe mukadzi uyo akabva avapinza mumba. Mukadzi wacho aisaziva kuti Mwari ane zita, saka vakatanga kukurukura naye chidzidzo 04 mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! chine musoro unoti, “Mwari Ndiani?” Pavakaverenga Isaya 42:8, mukadzi wacho akashamiswa chaizvo paakaona zita raMwari rekuti Jehovha muBhaibheri rake.
Mukadzi wacho akatanga kuchema uye akati akaona kuti kungova neBhaibheri chete hakuna kukwana, saka akanga ava kuda kuridzidza kuti azive zvarinotaura ozviita. Pavakapedza chidzidzo chacho, mukadzi wacho akatenda chaizvo zvainge adzidza. Akati aizoudzawo murume wake zvaakanga adzidza. Vakabva varonga kuti vaenderere mberi nekumudzidzisa Bhaibheri.
Japan
Hama nahanzvadzi Nukamori pavakanga vachiparidza kuYokohama, vakabaya intercom pachibva padairwa nemumwe mukadzi. Vakamuudza mazita avo uye kuti vaiva Zvapupu zvaJehovha. Mukadzi wacho akavati vamire, achibva azovhura dhoo akati, “Ndanga ndakamirira Zvapupu zvaJehovha.”
Mukadzi wacho akataura kuti akanga ambodzidza Bhaibheri neZvapupu kuNagasaki. Akanga atamira kuYokohama panguva yeCovid uye akanga achiri kudzidza achishandisa Zoom. Nechekwekutanga kwevhiki, munhu aimudzidzisa akanga amuudza kuti: “Kuchava nemushandirapamwe muna September. Mumwe weZvapupu zvaJehovha achasvika pamba pako. Kana asvika ukumbire kuti ange achiuya muchidzidzira pamba.” Mukadzi uyu akafara zvisingaiti paakaona Zvapupu zvichiuya pamba pake pasati patombopfuura mazuva akawanda. Akabva ati anoda kupinda misangano vachibva vatoronga kuti vaizodzidza Bhaibheri riini.
Mexico
Mumwe murume nemudzimai wake vakaparidzira mumwe mukadzi, achibva ati akambodzidza neZvapupu uye akatombopinda misangano asi pakanga pava nemakore. Akanga achinyara kuti atsvage Zvapupu nekuti akanga achirarama upenyu husingaenderani nezvinodzidziswa neBhaibheri. Paakapedza kutaura izvi, akabva atanga kuchema. Vakabva vamuverengera Pisarema 10:17 vachibva vamutsanangurira kuti Jehovha haana kumukanganwa. Vakamurumbidza nechido chaaiva nacho chekurarama zvinoenderana nezvinodiwa naJehovha. Akabvuma kudzidza Bhaibheri achibva ati mwana wakewo mukomana ane makore 16 anodawo kudzidza.
Zvapupu pazvakadzoka mangwana acho, vakawana mukadzi uyu nemwana wake vakamirira. Pavakapedza kudzidza chidzidzo 01 chebhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara! vakabva vavakoka kumusangano wepakupera kwevhiki vachibva vauya. Mukadzi uyu nemwana wake vari kuda kuramba vachidzidza uye kupinda misangano.
Puerto Rico
Ramon akanyengetera kuti awane mumwe munhu wekuparidzira musi waakatangazve kuparidza paimba neimba. Imba yekutanga yaakasvika, mukadzi aivapo akavhura dhoo zvishoma achibva adongorera. Ramon akamumhoresa achibva ataura zita rake. Asati atanga kupa mharidzo yake, mukadzi uya akabva ati: “Ndanga ndakakumirirai kwenguva refu. Ndanga ndichinamata kuti dai mandishanyirawo.”
Mukadzi uyu akataura kuti akanga amboonana neZvapupu makore mashoma akanga apfuura, uye akambopinda misangano yeungano. Akabva azotama uye haana kuzoonana neZvapupu. Ramon akamudza kuti takanga tambomira kuparidza paimba neimba nemhaka yeCovid. Ramon akabva amuverengera Pisarema 37:29 achibva amuratidza kuti tinodzidza sei nevanhu Bhaibheri, mukadzi wacho achibva ati anoda. Ramon akaronga kuti imwe hanzvadzi izodzidza naye.
Izvi pazvakaitika, Ramon akabva ati: “Ndinoziva kuti Jehovha nengirozi ndivo vari kutitungamirira kuvanhu vanoda kuteerera.”
United States
Hanzvadzi Katelyn Thompson vakaenda pane imwe imba iri muKentucky, vachibva vaona mavhesi akanga akanyorwa munoisirwa tsamba uyewo chikwangwani chidiki chaiva muyadhi chakanga chakanyorwa kunzi “Jesu Anokuda.” Pavakagogodza padhoo, pakadavirwa nemumwe mukadzi. Vakabva vataura zita ravo vakamuudzawo kuti Zvapupu zvaJehovha zvanga zvisingakwanisi kushanyira vanhu padzimba dzavo nemhaka yeCovid. Vakaudzawo zvekare mukadzi uyu kuti Zvapupu zvakanyora tsamba dzakawanda pamwe chete nekufonera vanhu panguva yeCovid vachivakurudzira nekuvanyaradza. Hanzvadzi Katelyn vakabva vabvunza mukadzi uyu kuti iye nemhuri yake vari seiwo. Mukadzi wacho akati akafirwa nababa vake muCovid. Akati: “Ndine tsamba dzakawanda dzandakawana kubva kwamuri. Chokwadi Mwari akandinyaradza panguva yandaida kunyaradzwa!” Hanzvadzi Katelyn vakaratidza kuti naivowo zvakavarwadza vachibva vakurukura naye chidzidzo 02 chebhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara! Vakaverenga mavhesi arimo, vakanyanya kukurukura aya anotaura nezvekumutswa kuchaitwa vanhu vakafa. Mukadzi wacho akatanga kuchema. Akati musi uyu ndiwo musi wakafa baba vake gore rapera. Mukadzi uyu akapa hanzvadzi Katelyn nhamba dzefoni vachibva varonga kuti vazodzidza Bhaibheri. Pava paya, hanzvadzi Katelyn vakagamuchira meseji yaibva kumukadzi uyu yaiti: “Maita henyu. Mandinyaradza nhasi!”
Zviri pachena kuti Jehovha ari kukomborera basa redu ratatangazve rekuparidza paimba neimba uye mushandirapamwe wekutanga kudzidza nevanhu Bhaibheri. Tiri kutarisira kuzonzwa zvimwe zvichabuda pabasa iri!—Johani 4:35.
Bahamas
Cameroon
Panama
Philippines
South Korea
United States