Enda pane zvauri kuda

22 NOVEMBER 2022
NHAU DZEPASI RESE

Zvimwe Zvava Kukwanisa Kuitwa paJW.ORG Pachishandiswa maVoice Assistants

Zvimwe Zvava Kukwanisa Kuitwa paJW.ORG Pachishandiswa maVoice Assistants

Kubva muna 2019, mafoni ane Amazon Alexa kana Google Assistant akatanga kukwanisa kuridza zvimwe zvinhu zvinowanika pajw.org. Iye zvino vanhu vava kukwanisa kushandisa Alexa kana Google Assistant kuteerera zvimwe zvakatowanda zvatinoshandisa pamisangano yedu uye muushumiri. Zvinosuwisa kuti kubva muna June 2023, tinenge tisisakwanisi kuita zvinhu izvi tichishandisa Google Assistant. Asi iye zvino tichiri kukwanisa kuishandisa uye Amazon Alexa icharamba ichishanda pajw.org.

Iye zvino, tava kukwanisa kuudza mafoni, makombiyuta edu, nezvimwewo zvigadzirwa zvine mavoice assistant kuti zviverenge purogiramu yemusangano wepakati pevhiki iri muPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa uye zvidzidzo zviri mubhuku raShingairira Kuverenga Nekudzidzisa. Patinenge tichigadzirira chidzidzo cheBhaibheri, tava kukwanisa kuudza Google Assistant kana kuti Alexa kuti iridze chidzidzo chatiri kuda kubva mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!

Uyewo, tava kukwanisa kuteerera nziyo dzatinoshandisa pamisangano dziri mubhuku renziyo, ‘Imbira Jehovha Uchifara,’ uye nziyo dzemashoko dzinowanika pajw.org. Tava kukwanisawo kuteerera vhidhiyo yeMashoko Abva kuDare Rinotungamirira inenge ichangobva kubuda.

Kuti muone mashandiro anoita Amazon Alexa neGoogle Assistant, bayai pakanzi Help mozoenda pakanzi “Use the JW.ORG Skill for Amazon Alexa” kana kuti “Use the JW.ORG Action for Google Assistant.”

Vaya vasina zvigadzirwa zvine mavoice assistant vanogona kuisa Alexa pamafoni avo kana pamatablet.

Zvinhu izvi zvinonyanya kubatsira vaya vasinganyatsooni zvakanaka kana kuti vari mapofu. Kana uine munhu waunoziva asinganyatsooni, wadii kumubatsira kuisa voice assistant mufoni make uye kumudzidzisa kuti anoishandisa sei?