Enda pane zvauri kuda

Mamishinari akatanga kushumira muPeru. Vari kumashure (kubva kuruboshwe tichienda kurudyi): Evelyn Berry, Verda Pool, Walter Akin, Nellena Pool, naHazel Trim

Vari kumberi (kubva kuruboshwe tichienda kurudyi): Gwendolyn Patterson, Robert Patterson, naChristine Akin

2 DECEMBER, 2021
PERU

Peru Yava Nemakore 75 ‘Ichitumbuka Seruva’

Peru Yava Nemakore 75 ‘Ichitumbuka Seruva’

Mamishinari ekutanga kusvika muPeru akasvika muna October 1946. Mamishinari iwayo akaona kuti ndima yacho yakanga yakakura zvisingaiti. Nyika yacho yakakura zvekuda kupeta nyika yeZimbabwe ka4, uye yaiva nevanhu 7 miriyoni vaigara munzvimbo dzakasiyana-siyana. Kwemakore 75 apfuura, mamishinari nevaparidzi vemuPeru vakashanda nesimba vachiparidza mumisha iri kwayo yega nemumaguta ari pedyo nenyanza uye vakaona vanhu vachiwedzera kuuya kusangano.

Mamishinari asati asvika muPeru, Zvapupu zvaJehovha zvemuSouth America zvaimboshanyira guta guru rePeru rinonzi Lima, zvopa vanhu vanofarira mabhuku. Zvavakaita zvakabudirira. Muna 1945, mamishinari maviri aishumira munyika yeChile akaenda kuLima kunobhabhatidza Zvapupu zvaJehovha zvitatu zvekutanga munyika yePeru.

Kubvira muna October 1946 zvichienda mberi, mamishinari akadzidziswa kuchikoro cheGiriyedhi akanzi anoronga basa rekuparidza muPeru. Vakaita musangano wekutanga nevanhu vaifarira munharaunda yeRimac iri muguta reLima. Nhamba yevaparidzi vemuPeru nemamishinari payairamba ichiwedzera, basa rekuparidza rakatanga kuitwa mune dzimwe nzvimbo dziri kunze kweguta reLima. Nanhasi basa racho riri kungowedzera.

Hanzvadzi Nellena Pool

Hanzvadzi Nellena Pool, mumwe wemamishinari akatanga kusvika muna 1946, vakataura nezvekuwedzera kwaiitika muPeru munyaya yavo yeupenyu yakabudiswa muNharireyomurindi yaMarch 1, 1957. Vakati: “Zvakaoma kutsanangura manzwiro aunoita paunoona nyika yakanga yakaita segwenga ichitanga ‘kutumbuka seruva.’”

Hanzvadzi Irene Mannings vakagirajuweta mukirasi yechi54 yeGiriyedhi uye vachiri kushumira muPeru. Vakati: “Kubvira patakasvika, takaona nhamba yevaparidzi ichiwedzera kubva pa7 000 kusvika yava kupfuura 130 000. Ndinofara kuti ndakavawo neropafadzo yekubatsira kuti nhamba iyi isvike pairi nhasi. Zvese izvi zvakaitika nekuti Jehovha ndiye akanga achikomborera.”

Vaparidzi 133 170 vari kushumira muPeru iye zvino vanotenda chaizvo basa rakaitwa makore 75 adarika. Nhoroondo yekunamata munyika yePeru, uchapupu hwakasimba hwekuzadziswa kwevimbiso yaJehovha iri pana Isaya 60:22 inoti: “Mudiki achava chiuru uye akadukupa achava rudzi rune simba.”