5 AUGUST 2022
PHILIPPINES
Kudengenyeka Kwenyika Kwakaitika Kuchamhembe kwePhilippines
Musi wa27 July 2022, pachitsuwa cheLuzon chiri muPhilippines pakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru. Nharaunda yeAbra ndiyo yakanyanya kuparadzwa. Kudengenyeka uku kwakanga kwakakura zvekuti kwakanzwiwawo muguta reManila, iro riri kure nemakiromita 400. Pane kumwe kudengenyeka kunosvika 2 000 kwakaitika pashure pekudengenyeka uku.
Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu
Hapana hama kana hanzvadzi yedu yakafa
Vaparidzi 4 vakakuvara asi kwete zvakanyanya
Mhuri 42 dzaifanira kusiya misha yadzo kuti dziende kunzvimbo dzakachengeteka
Dzimba 63 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya
Imba imwe chete yakakanganisika zvakanyanya
Dzimba dzeUmambo 13 dzakakanganisika
Mabasa Ekuyamura
Pakagadzwa Komiti Yekubatsira Panoitika Njodzi imwe chete kuti ione nezvebasa rekuyamura
Vakuru vari kukurudzira hama nehanzvadzi dzakawirwa nenjodzi iyi
Basa rekuyamura riri kuitwa pachitevedzerwa mitemo ine chekuita nekuzvidzivirira paCOVID-19
Hofisi yebazi yakakurumidza kutumira zvinhu zvekuyamura kuhama nehanzvadzi dzedu dziri munzvimbo yakaitika njodzi uye yakaronga kuti vawane pekufanogara. Hama nehanzvadzi dziri munzvimbo yacho dziri kubatsirana pasinei nekuti vese vakawirwa nenjodzi iyi.
Tine kutenda kwakasimba kwekuti Jehovha achanunura hama nehanzvadzi dzedu ‘panguva iyi yekutambudzika.’—Pisarema 50:15.