Enda pane zvauri kuda

Russia

 

2022-01-28

RUSSIA

Zvapupu zvaJehovha zvemuIrkutsk Zviri Kuramba Zvakavimbika Pasinei Nekurohwa Zveutsinye

Musi wa4 October 2021, mapurisa akapinda nechisimba mudzimba dzeZvapupu zvaJehovha zvinogara muIrkutsk. Hama nehanzvadzi dzedu dzakabvunzurudzwa uye dzakarohwa zvakaipisisa. 6 vavo vakaendeswa kujeri vachimirira kuti nyaya dzavo dzizotongwa. Mhosva yavari kupomerwa ndeyekuti vari kunamata Mwari wavo Jehovha.