Enda pane zvauri kuda

Hama Ilya Olenin nemudzimai wavo, Natalya

2 AUGUST 2022
RUSSIA

Anodada Kuti Ava Kutaurwawo “Munhoroondo yeSangano raJehovha”

Anodada Kuti Ava Kutaurwawo “Munhoroondo yeSangano raJehovha”

Musi wa 26 July 2022, dare reSnezhinskiy City Court of the Chelyabinsk Region rakati hama Ilya Olenin vane mhosva. Muchuchisi akakumbira dare kuti vatongerwe kugara mujeri kwemakore 6 nehafu asi dare rakavati vabhadhare faindi inosvika US$8 150

Zvinhu Zvakaitika

  1. 17 April 2017

    Mapurisa eFSB akavhiringidza Zvapupu pazvaiva pakati pekuita Chirangaridzo. Ilya akapomerwa mhosva “yekuita basa reumishinari,” asi nyaya yacho yakazongosiyiwa

  2. 30 November 2020

    Imba yahama Ilya yakasechwa

  3. 8 September 2021

    Akapomerwa mhosva zvakare

  4. 27 October 2021

    Imba yavo yakasechwa kechipiri. Vakabva vaenda kunobvunzurudzwa vachibva varambidzwa kubuda munzvimbo yavanogara

  5. 23 May 2022

    Nyaya yavo inopinda mudare

Nhoroondo Yeupenyu

Tinodada chaizvo nahama Ilya nehama nehanzvadzi dzedu dzese dziri kuita zvinoenderana nezita redu, zvekupa uchapupu tichimiririra Mwari wedu mukuru, Jehovha.—Isaya 43:10.