Enda pane zvauri kuda

Dare Repamusorosoro remuRussia

25 NOVEMBER, 2021
RUSSIA

Chisarudzo cheDare Repamusorosoro remuRussia Chichabata-bata Sei Zvapupu zvaJehovha?

Chisarudzo cheDare Repamusorosoro remuRussia Chichabata-bata Sei Zvapupu zvaJehovha?

Musi wa28 October, 2021, Dare Repamusorosoro remuRussia rakagadziridza mutemo une chekuita nenyaya yekupandukira hurumende. Mashoko akashandiswa mumutemo uyu wakagadziridzwa anopa pfungwa yekuti kunamata uri wega kana kuti nevamwe hakuchafaniri kuonekwa sekubatanidzwa pakuita zvinhu zvine chekuita nechitendero chakabhanwa. Asi chisarudzo ichi hachina kumisa kutambudzwa kuri kuitwa Zvapupu zvaJehovha nekuti maonerwo ari kuitwa mutemo uyu nemapurisa nemamwe matare emuRussia akasiyana-siyana.

Semuenzaniso, kubvira pakagadziridzwa mutemo uyu musi wa28 October, mapurisa akapinda nechisimba mudzimba dzinopfuura 13 dzeZvapupu uye chikumbiro chekuti nyaya yahanzvadzi Irina Lokhvitskaya idzoke mudare chakarambwa uye hanzvadzi Yelena Savelyeva vane makore 80 vakanzi vane mhosva. Ukuwo, musi wa22 November, 2021, rimwe dare riri muVladivostok rakati hama Dmitriy Barmakin havana mhosva yezvese zvavaipomerwa.

Hatizivi kuti kugadziridzwa kwemutemo uyu kuchaita kuti hama dzedu dzisanyanya kutambudzwa here kana kuti kuchatoita kuti vatowedzera kupiwa mitongo yakanyanya kukura yekugara mujeri. Asi chero zvinenge zvaitika, tinoramba tiine chivimbo chakazara chekuti Jehovha achabatsira hama nehanzvadzi dzedu kutsungirira dzichifara kusvikira panguva yaachaunza ruponeso rwechokwadi uye rusingaperi.—Pisarema 146:3-5.