Enda pane zvauri kuda

Committee of Ministers yeCouncil of Europe iyo inoona kuti mitongo inenge yapiwa neEuropean Court of Human Rights iri kutevedzerwa here

21 DECEMBER 2022
RUSSIA

Council of Europe Inokurudzira Russia Kuti Itangezve Kubvumidza Basa reZvapupu zvaJehovha

Council of Europe Inokurudzira Russia Kuti Itangezve Kubvumidza Basa reZvapupu zvaJehovha

Musi 9 December 2022, Secretary General weCouncil of Europe (COE) akanyorera tsamba Mukuru muBazi reHurumende Rinoona Nezvekudyidzana Nedzimwe Nyika wekuRussia achikurudzira Russia kuti iremekedze mitongo yakapiwa neEuropean Court of Human Rights (ECHR). Mitongo yacho inosanganisira wakapiwa muna June 2022 wekuti zvakaitwa neRussia zvekubhana basa reZvapupu zvaJehovha hazvisi pamutemo. a

Tsamba yacho yaiyeuchidza Russia kuti kunyange zvazvo yakabuda muCOE muna March 2022, hurumende yacho yaifanira kuteerera mitongo yakapiwa neECHR kusvikira musi wa16 September 2022. Uyewo, Committee of Ministers yeCOE icharamba ichiona kuti mitongo yakapiwa neECHR iri kutevedzerwa here.

Kubva muna June 2022, Committee of Ministers yanga ichikurudzira Russia kuti idzime mutongo wakapiwa neSupreme Court muna 2017 wekubhana basa reZvapupu zvaJehovha. Komiti iyi yakaudzawo Russia “kuti iongororezve mutemo wayakaisa unotaura kuti Zvapupu zvaJehovha zvinopandukira hurumende . . . ; kuti imire kuongorora mhosva dzese dziri kupomerwa Zvapupu zvaJehovha, yosunungura vari mumajeri, yodzima mhosva dzese dzavakapomerwa, uye yodzorera zvinhu zvayakatora kana kuti yobhadhara mari inoenderana nezvinhu zvacho.” b

Kusvika pari zvino, kubhanwa kwakaita basa redu kwaita kuti hama nehanzvadzi dzedu dzinodarika 660 dzibhadhariswe faindi kana kuti dzisungirwe zvadzinotenda. Vanodarika 360 vakambovharirwa mujeri uye pari zvino 114 vari mujeri kana kuti vakavharirwa vachimirira kuti nyaya dzavo dzitongwe.

Mazita ehama nehanzvadzi dzedu dzinodarika 450 akanyorwa pamazita evanhu vanonzi vanopandukira hurumende nemagandanga, uye izvi zvinoita kuti ivo nemhuri dzavo vaomerwe neupenyu. Mazita acho anokwanisa kuonekwa nemunhu wese, saka izvi zviri kuita kuti hama dzedu dzive nemukurumbira wakaipa uye zviri kuita kuti vakawanda vashaye mabasa. Mamwe matambudziko avari kusangana nawo anosanganisira kuvharirwa maakaundi ekubhengi, uye kuomeserwa pavanenge vachida kuita zvinhu zvakadai sekutora inishuwarenzi, kutengesa zvinhu, kuita mabhizinesi, kuwana nhaka, kunyange kutenga maraini efoni.

Tinofara kuziva kuti COE iri kuramba ichiita zvese zvainogona kuti hama nehanzvadzi dzedu dzekuRussia dzibatwe zvakanaka. Hama dzedu dziri pasi rese dziri kukurudzirwa nenyaya dziri kubuda pajw.org dzinoratidza kuti Jehovha ari kubatsira hama dzedu dzekuRussia kuti dzirambe dziine kutenda, ushingi nemufaro.—VaFiripi 1:12-14.

a Ona ndima 3 ne5 dzeH46-33 Jehovah’s Witnesses of Moscow and Others (Application No. 302/02) and Krupko and Others (Application No. 26587/07) v. Russian Federation.

b Ona ndima 4 yeH46-33 Jehovah’s Witnesses of Moscow and Others (Application No. 302/02) and Krupko and Others (Application No. 26587/07) v. Russian Federation.