8 JUNE 2022
RUSSIA
Dare reEuropean Court of Human Rights Rakati Russia Ine Mhosva Yekutambudza Zvapupu zvaJehovha
Musi wa7 June 2022, dare reEuropean Court of Human Rights (ECHR) rakati Russia ine mhosva yekutambudza Zvapupu zvaJehovha a. Rakati kubhana kwakaita Russia Zvapupu zvaJehovha muna 2017 hakusi pamutemo. Dare rakatiwo kubhana kwakaita Russia mabhuku uye website yejw.org kwaiva kutyora mutemo. Russia yakanzi inofanira kusiyana nenyaya dzese dziri mumatare dzavari kupomera hama nehanzvadzi dzedu uye inofanira kusunungura vese vari mumajeri. Russia yakanziwo idzosere zvivakwa zvayakatora kana kuti ibhadhare US$63,684,978 yekuripa zvivakwa zvacho. Russia yakanzi ibhadhare mari inosvika US$3,682,445 yekuripa vanhu 1 400 vakakwidza nyaya iyi kudare.
Mutongo uyu wakapiwa nedare ndewenyaya 20 kubva muna 2010 kusvika muna 2019, dzine chekuti neZvapupu 1 400 uyewo masangano anoshandiswa neZvapupu kuRussia. Asi mutongo wakapiwa uyu hausi kuzongobatsira Zvapupu izvi chete. Wakati Russia “inofanira kuita zvese zvinodiwa kuti nyaya dzese dzichiri mumatare dzine chekuita neZvapupu zvaJehovha dzimiswe . . . uye kuti inofanira kubudisa mumajeri Zvapupu zvaJehovha zvese zvayanga yakatorera rusununguko.” (tisu tasveyamisa mashoko.) Mutongo uyu uri kutsigira hama nehanzvadzi dzedu dziri muRussia uyewo kune dzimwe nyika, uchiratidza kuti ivo vanhu vanoteerera mitemo yenyika uye kusungwa nekutambudzwa kwavanga vachiitwa kwanga kusiri pamutemo.
Nyaya iyi payaiva mudariro, dare reECHR rakaramba zvikonzero zvisina musoro zvaipiwa neRussia zvekuti maitiro edu, zvatinotenda, mabhuku uye website yedu ndezvekupandukira hurumende. Semuenzaniso, ona zvimwe zvakataurwa pamutongo wakapiwa:
Maitiro: Dare reECHR rakati matare ekuRussia “haana kuwana kana shoko kana chimwe chinhu chakaitwa neZvapupu chinoratidza kuti zvinokonzera kurwisana, ruvengo kana kuti kusarura vamwe vanhu.” (§271)
Zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha zvekuti ndivo chitendero chechokwadi: “Kuratidza vamwe vanhu kuti chitendero chako ndicho chechokwadi uye kukurudzira vamwe kuti vasiye zvitendero zvenhema vobatana nechitendero chechokwadi, hakusi kutyora mutemo, asi kutori kushandisa kodzero yepamutemo ine munhu wese yekunamata uye kutaura zvaanoda akasununguka.” (§156)
Kuisirwa ropa: “Kuramba kuisirwa ropa kutori kushandisa kodzero ine munhu wese yekutaura marapirwo aanoda kuitwa uye mutemo weRussia pamwe chete nezvibvumirano zvine chekuita nekodzero dzevanhu pasi rese zvinotsigira izvozvo.” (§165)
Kuramba zvimwe zvinhu nemhaka yehana: “Kuramba kupinda muchiuto nemhaka yezvinotendwa nemunhu hakuna kutyora kana mutemo mumwe chete zvawo weRussia.” (§169)
Mabhuku edu: “Zvinhu zvinoitwa neZvapupu zvine chekuita nechitendero chavo uye zviri mumabhuku avo hazvikonzeri kurwisana kwevanhu uye zvinoenderana nedzidziso dzavo dzekuti havaiti zvekurwisana.” (§157)
JW.ORG: Dare rakaona kuti zvinhu zviri pajw.org hazvisi zvekupandukira hurumende. Kana hurumende yanga iine zvimwe zvinhu zvaisiri kufara nazvo yaifanira kuudza sangano reZvapupu kuti ribvise zvinhu izvozvo kwete kuti vabhane website yese. (§231 uye §232)
Mutongo wacho wakashora chaizvo hurumende yeRussia uye wakati vakaratidza rusaruro uye havana kutonga zvakanaka nyaya dzeZvapupu. (§187) Semuenzaniso, zvimwe zvakaitwa neRussia zvakaonekwa nedare reECHR ndeizvi:
“Kubhanwa kwakaitwa masangano epamutemo eZvapupu zvaJehovha muRussia hakuna kuitwa nemhaka yekuti hurumende yaida kutevedzera mutemo. Asi pane uchapupu hunoratidza kuti zvakaitwa nemhaka yekuti hurumende haifariri sangano reZvapupu uye inoda kuti Zvapupu zvisiye zvavanotenda uye kuti vamwe vanhu vasabatana neZvapupu.” (§254)
Hurumende yeRussia haina zvayakaita payaiona mitemo isiri kunyatsotevedzerwa nematare. Semuenzaniso pane kuti Dare Repamusorosoro reRussia ritsvage vanhu vasina divi ravanotsigira kuti vaongorore mabhuku eZvapupu, rakabvumirana neumboo hwakanga hwakarerekera divi rimwe chete hwaipiwa nemapurisa nevachuchisi vavakanga vachida. (§203)
Mutemo wekupandukira hurumende wakanyorwa usingajekesi chinonyatsonzi kupandukira hurumende, saka mapurisa aiita zvaada neZvapupu zvaJehovha. (§272)
Hatizivi kuti Russia ichateerera zvakataurwa nedare reECHR here. Chero zvichaitika, isu hativimbi nevatungamiriri vevanhu kuti vatibatsire kutsungirira matambudziko atinosangana nawo. Asi ‘tinotarisira kuna Jehovha semubatsiri wedu nenhoo yedu.’—Pisarema 33:20.
a Dhaunirodha pfupiso yemutongo weECHR une mapeji 7. Dhaunirodha mutongo wacho wese une mapeji 196.