Enda pane zvauri kuda

Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Hama Aleksandr Prianikov, hanzvadzi Venera Dulova nemwanasikana wavo hanzvadzi Darya Dulova vasati vapinda mudare

24 JANUARY 2020
RUSSIA

Dare reKarpinsk City Court Rava Pedyo Kupa Mutongo Waro Panyaya Ine Chekuita neZvapupu zvaJehovha Zvitatu

Dare reKarpinsk City Court Rava Pedyo Kupa Mutongo Waro Panyaya Ine Chekuita neZvapupu zvaJehovha Zvitatu

Musi weMuvhuro 27 January 2020, dare reKarpinsk City Court riri kutarisirwa kupa mutongo waro panyaya yahanzvadzi Venera naDarya Dulova uyewo hama Aleksandr Prianikov. Muchuchisi akakumbira kuti hama Prianikov nahanzvadzi Venera Dulova vapiwe makore matatu uye hanzvadzi Darya Dulova vapiwe maviri. Akakumbirawo kuti makore acho ambosendekwa padivi.

Musi wa19 April 2016, hama Prianikov nahanzvadzi Venera Dulova vakataura nemumwe murume nezveBhaibheri. Hama yemurume iyeye yakabva yati hama Prianikov nahanzvadzi Dulova vakamubira ichibva yashevedza mapurisa. Vese vari vaviri vakabva vaendeswa kukamba yemapurisa. Mapurisa akavatora mafingerprints achibva avatorera mabhuku avo.

Nemhaka yezvakaitika musi uyu, papera makore maviri vakasungwa zvakare vachibva vabvunzurudzwa. Vakatorerwa mafoni avo nemamwe mapepa avo anokosha. Mukuru wemapurisa akapa mumwe purofesa wechitendero basa rekuongorora zvinhu zvaiva pafoni yahama Prianikov neyahanzvadzi Dulova. Purofesa wacho akanyora gwaro rine mapeji 15 achitsanangura kuti pamafoni acho paiva nezvinhu zvakanyorwa dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha. Nemhaka yaizvozvo, vakabva vapomerwa mhosva. Dare reKarpinsk City Court rakabva rapa mapurisa mvumo yekusecha dzimba dzavo.

Pakasechwa imba yahanzvadzi Dulova, mapurisa akavatorera mafoni nemakombiyuta, mabhuku, uyewo mapikicha. Akabva abvunzurudza mwanasikana wahanzvadzi Dulova ane makore 18 anonzi Darya. Mapurisa akabva aenda kunosecha kumba kwevamwe vane ukama navo uyewo kwahama Prianikov.

Mangwanani emusi wa16 April 2019, mapurisa matatu eFederal Security Service (FSB), mumwe muongorori, nemamwe mapurisa maviri akapinda nechisimba mumba mahama Prianikov. Vakavatorera mafoni nemakombiyuta nezvimwewo zvinhu zvavo.

Musi wa23 July 2019, hanzvadzi Darya Dulova vakasungwa vachibva vaenda kunobvunzurudzwa nekuti vaifungidzirwa kuti vakaparawo mhosva yaipomerwa amai vavo nahama Prianikov. Vese vari vatatu vakapomerwa mhosva uye nyaya yavo yakatanga kupinda mudare muna September 2019.

Tinonyengeterera Zvapupu izvi zvitatu nehama nehanzvadzi dzedu dzinoda kusvika 300 dziri kutambudzwa muRussia tiine chivimbo tichiti: “Mwari anopa tariro ngaakuzadzei nemufaro mukuru nerugare nekuvimba kwamunoita naye, kuti tariro yenyu iwedzere nesimba remweya mutsvene.”—VaRoma 15:13.