26 JANUARY 2021
RUSSIA
Dare remuRussia Rapa Hanzvadzi Galina Parkova Mutongo Wekugara Mujeri Asi Wambosendekwa Padivi
Musi wa26 January 2021, dare reLeninskiy District Court of Rostov-on-Don rakati hanzvadzi Galina Parkova vane mhosva richibva ravapa mutongo wekugara mujeri kwemakore maviri nemwedzi mitatu asi wambosendekwa padivi. Havasi kufanira havo kuenda kujeri pari zvino.
Mashoko avo ekupedzisira vari mudare, hanzvadzi Parkova vakati: “Ndinonyatsonzwisisa kuti nei ndiri kutambudzwa sezvandiri kuitwa nhasi nekuti ndinotenda zvinotaurwa neBhaibheri. Ishe wangu Jesu Kristu akataura zvikonzero zvaizoita kuti titambudzwe. Mubhuku reEvhangeri raJohani chitsauko 15, pavhesi 20, Jesu akati: ‘Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo.’
“Kana vakatambudza nekuuraya Jesu, uyo airapa vanorwara, aipa vanhu zvekudya uye aiudza vanhu nezvaBaba vake uye Umambo hwaizouya, vateveri vake vangatarisira kubatwa zvakanaka here? Kutambudzirwa kutenda kwangu kwasimbisa chivimbo changu chekuti ndiri muteveri waKristu wechokwadi!”