Enda pane zvauri kuda

Hanzvadzi Galina Kobeleva nemwanakomana wavo, hama Sergey Kobelev

15 JUNE 2022
RUSSIA

Galina Kobeleva Akatsunga Kuparidza Mudare

Galina Kobeleva Akatsunga Kuparidza Mudare

Dare reLesozavodskiy District Court riri muPrimorye Territory rava pedyo kupa mutongo waro panyaya yahanzvadzi Galina Kobeleva. Muchuchisi haasati ataura kuti anoda kuti vapiwe mutongo wakareba sei.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 12 May 2020

    Mapurisa emuPrimorye Territory akasecha dzimba dzemhuri nhatu dzeZvapupu zvaJehovha, kusanganisira yahanzvadzi Galina. Ivo nemwanakomana wavo, hama Sergey Kobelev, vakabvunzurudzwa uye vakatanga kuongororwa

  2. 8 March 2021

    Hanzvadzi Galina vakapomerwa mhosva yekubatana nesangano rinopandukira hurumende

  3. 7 April 2021

    Vakarambidzwa kubva munzvimbo yavanogara

  4. 29 October 2021

    Nyaya yavo yakapinda mudare

Nhoroondo Yeupenyu

Tinotenda chaizvo kuti Jehovha ari kuramba achiunza vashumiri vake vakatendeka, vakadai sahanzvadzi Galina, “munzvimbo isina njodzi” pavari kudzivirira zita rake neushingi.—2 Samueri 22:18-21.