Enda pane zvauri kuda

Hama Albert Batchaev

24 MAY, 2021
RUSSIA

Hama Albert Batchaev Vakaramba Vakavimbika Pavaiva Mujeri Uye Pavari Kurambidzwa Kubva Pamba

Hama Albert Batchaev Vakaramba Vakavimbika Pavaiva Mujeri Uye Pavari Kurambidzwa Kubva Pamba

NYAYA IYI PAYAVA | Dare remuRussia Rinoti Hama Albert Batchaev Vane Mhosva

Musi wa6 December 2021, dare reCherkessk City Court riri kuKarachaevo-Cherkessk Republic rakati Hama Albert Batchaev vane mhosva richibva ravapa mutongo wekugara mujeri kwemakore 6, asi mutongo wacho wambosendekwa padivi. Havasi kufanira havo kuenda kujeri.

Nhoroondo Yeupenyu

Albert Batchaev

  • Akaberekwa: 1976 (Mutaundi reKarachayevsk)

  • Upenyu Hwake: Vakaberekwa vari 5, uye ane hanzvadzi nhatu. Amai vake vakashaya uye ndiye ari kuchengeta baba vake, avo vatokwegura. Akadzidzira zveugweta pane chimwe chikoro chemasoja uye aiva mumwe wevakuru vanoferefeta mhosva dzinenge dzaparwa

    Paakadzidza Bhaibheri, akanyatsoona kuti zvarinotaura ndezvechokwadi. Akabhabhatidzwa seChapupu chaJehovha muna 2004. Akaroorana nemudzimai wake anonzi Zhanna muna 2007. Iye zvino, anoita basa rekuisira vanhu madhoo. Haakwanisi kuita mabasa anorema nemhaka yeutano hwake. Iye nemudzimai wake vanofarira kutyaira mota nekumbofamba vachiona makomo ari pedyo nekwavanogara

Matangiro Akaita Nyaya Yacho

Musi wa16 December, 2019, mapurisa epachivande eFederal Security Service (FSB) akasecha dzimba dzinenge 12 muguta reCherkessk. Hama dzakawanda dzakasungwa.

Zuva rakatevera racho, vamwe vese vakasunungurwa kunze kwahama Albert Batchaev. Vakagariswa muchitokisi kweanenge mazuva 3 uye vakapomerwa mhosva yekutungamirira vanhu pakuimba nekunamata Jehovha. Pashure pekusungwa kwaAlbert, shamwari dzake nevamwe vaanozivana navo vakataura kuti vaimboteverwa nemapurisa.

Albert anoti: “Pavakandiisa muchitokisi, vachibva vavhara zidhoo racho resimbi raiva necheni dzairira, ndakanzwa kutya.” Anoenderera mberi achiti: “Ndaifunga kuti ndaisazombobudiswa imomo uye kuti ndimo mandaizofira. Ndainetseka chaizvo kuti mudzimai wangu nedzimwe hama vachasara vachiita sei.”

Paakanga akamirira kuti nyaya yake itongwe, Albert akaita inenge mwedzi miviri ari mujeri achibva azoendeswa kumba kwake, asi aisabvumirwa kubva pamba. Asi pangopera vhiki, akasungwa zvakare akagara mujeri kwemavhiki 7. Albert anoti: “Pandaiva mujeri, kunyanya paya pandaiva ndakaiswa mangu ndega, ndakaona kukosha kwekuva nepurogiramu yekuita zvekunamata uye kugara ndichiita basa reUmambo. Kuita izvi kwakandibatsira kuti ndirambe ndakasimba, ndisasiya kutenda kwangu, nditsungirire, ndirambe ndiine tariro uye ndirambe ndichida Jehovha nehama dzangu.”

Akakwanisa kuwana Bhaibheri, kunyange zvazvo kari kashoma kuriwana mujeri. Albert anoti: “Bhaibheri ndiro rakandibatsira. Rakaita kuti ndive netariro uye ndisanyanya kunetseka nekusuwa kwandaiita mhuri yangu.” Uyewo akatanga kunyatsonzwisisa nyaya dzevanhu vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri vakamboomerwa neupenyu uye vakambokandwa mumajeri. Anoti: “Pandaiva mujeri, ndaitoita sendiri kuvaona uye vaiita sevari pedyo neni. Iye zvino, ndava kuona kuti ndine shamwari dzakawanda, dzakararama kare, uye dzimwe dziri kurarama mazuva ano.”

Muna April 2020, dare rakati Albert abudiswe mujeri oendeswa kumba kwake asi asabvumidzwa kubva pamba kwemwedzi miviri. Mutongo wake wekugara pamba wakawedzerwa ka4. Wakapedzisira kuwedzerwa kupera kwaMarch uye wakanzi uchapera kupera kwaJune 2021.

Tinoziva kuti Jehovha acharamba achisimbisa uye achichengeta hama Batchaev nevashumiri vake vakatendeka vari kusangana nemiedzo.—1 Makoronike 29:12.