Enda pane zvauri kuda

Hama Andrey Danielyan nemudzimai wavo, Ninaa

9 NOVEMBER, 2022
RUSSIA

Hama Andrey Danielyan Vanokatongerwa Kugara Mujeri Kwemakore 6

Hama Andrey Danielyan Vanokatongerwa Kugara Mujeri Kwemakore 6

Musi wa7 November 2022, Dare reRubtsovskiy City Court of the Altai Territory rakati hama Andrey Danielyan vane mhosva richibva ravatongera kugara mujeri kwemakore 6. Vakabva vatoenda kunovharirwa.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 25 May 2021

    Akatanga kupomerwa mhosva pashure pekunge mapurisa aita mwedzi yakawanda vachimuongorora pachivande

  2. 26 May 2021

    Imba yahama Andrey yakasechwa. Andrey nemudzimai wake vakabvunzurudzwa. Andrey akabva arambidzwa kuita nzendo

  3. 13 July 2022

    Akapomerwa mhosva yekuronga mabasa esangano rinonzi rinopandukira hurumende

  4. 5 September 2022

    Nyaya yake inotanga kutongwa mudare

  5. 7 November 2022

    Akatongerwa kugara mujeri kwemakore 6

Nhoroondo Yeupenyu

Tinotenda chaizvo muenzaniso wakanaka uri kuratidzwa naAndrey nedzimwe hama nehanzvadzi dziri kuramba dzakazvipira kuna Mwari dzichimirira kuzadziswa ‘kwevimbiso yeupenyu huchauya.’—1 Timoti 4:8.

a Hama Danielyan vakataura mashoko aya vasati vapiwa mutongo wavo.