Enda pane zvauri kuda

Hama Artur Lokhvitskiy nemudzimai wavo, Anna

26 JANUARY 2021
RUSSIA

Hama Artur Lokhvitskiy Vanogona Kutongerwa Makore 4 Mujeri

Hama Artur Lokhvitskiy Vanogona Kutongerwa Makore 4 Mujeri

Pachapiwa Mutongo

Musi wa2 February 2021, a dare reBirobidzhan District Court of the Jewish Autonomous Region richapa mutongo panyaya yaHama Artur Lokhvitskiy. Vanogona kutongerwa makore 4 mujeri.

Nhoroondo Yeupenyu

Artur Lokhvitskiy

  • Akaberekwa: 1986 (Belgorodskoye, Jewish Autonomous Region)

  • Upenyu Hwake: Baba vake vakafa aine makore 7. Anoita zvemagetsi uye akanyanya kudzidzira basa rekudzivisa moto. Akawana mibayiro yakawanda nekuti anoshanda nesimba

    Artur paaiva mudiki, amai vake vakamubatsira kuti ade Jehovha. Akabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha muna 1998 aine makore 11. Akachata nemudzimai wake Anna, muna 2018. Vanofarira zvekuvhakacha

Matangiro Akaita Nyaya Yacho

Mapurisa akasecha imba yaArtur naAnna, muna May 2018, vangova nemwedzi 3 vachata. Imba yavo yakasechwa pakasechwa dzimba dzeZvapupu zvaJehovha 22 nemapurisa 150 pane yavaiti oparesheni “Zuva Rekutongwa.” Imba yaamai vaArtur vanonzi Irina, yakasechwawo. Musi wa31 July 2019, mapurisa epachivande eFederal Security Service (FSB) emuBirobidzhan akapomera Artur mhosva yekupandukira hurumende. Anna naIrina vakapomerwa mhosva.

Mhosva yavari kupomerwa iri kuita kuti vasawane mari yavanoda pakurarama. Artur haasi kubvumidzwa kuisa kana kutora mari yake iri kubhengi. Uye waanoshandira akatomutyisidzira achiti achamudzinga basa.

Uyewo zviri kuvaomerawo kuti varonge zvavanoda kuita zuva rimwe nerimwe. Artur anoti: “Upenyu hwedu hwakabva hwatochinja. Zviri kutiomera kuronga zvatinoda kuita vhiki iroro (kana zuva iroro chairo). [Mapurisa] anongoerekana ati tiuye kukamba chero nguva dzavanenge vada. Saka tava kutofanira kugara tichichinja purogiramu yedu.”

Artur naAnna vanotenda chaizvo kutsigirwa kwavari kuitwa nehama nehanzvadzi. Artur anoti: “Hama dzinotikurudzira uye dzinotibatsira kuti tirambe takadzikama uye tiri pedyo naJehovha. . . . Hatigoni kutsanangura kufara kwatiri kuita nekuti tine hama nehanzvadzi dzedu dzinotitsigira uye tine ropafadzo yekureverera zita raJehovha patinenge tiri mudare! Zviri pachena kuti Jehovha haambosiyi vashumiri vake!”

Kuramba vachiita zvinhu zvekunamata kuri kuita kuti hama nahanzvadzi Lokhvitskiy vawane simba uye varambe vaine ushingi. Asi hazvisi nyore. Pashure pekunge mapurisa asecha imba yavo, Artur anoti, “Takasara tisisina zvekudya zvekunamata.” Izvi zvakamboita kuti Artur anetseke. Aishaya kuti vazoshandisei pakudzidza Bhaibheri. Asi akabva ayeuka chimwe chinhu chinokosha kuti, “[Mapurisa] haakwanisi kutitorera ropafadza yedu yekunyengetera. Takabva tatotanga kunyengetera. Munyengetero ndiwo wakatibatsira.”

Jehovha akakurumidza kupindura munyengetero wavo achibva avapa zvekudya zvekunamata zvavaida kuti varambe vachidzidza Bhaibheri. Artur anoti: “Tinoita zvese zvatinogona kuti tirambe tichitevedzera purogiramu yedu yekunamata kwemhuri, kugadzirira misangano uye kuverenga Bhaibheri pamwe chete. Izvi zviri kutibatsira kuti tiwedzere kudanana, tigare tichifara uye tione kubatsirwa kwatiri kuitwa naMwari muupenyu hwedu.”

Kuwedzera pakudzidza Bhaibheri, hama nahanzvadzi Lokhvitskiy vari kubatsirwawo chaizvo nekufungisisa nezvemakomborero ari mberi. Artur akati: “Takatanga kugara tichifunga nezvetariro yeramangwana uye tichifungidzira tiri munyika itsva.” Akawedzera kuti: “Tinoda kuzobatsira kuchenesa panyika uye kuvaka. Izvi zvinotisimbisa uye zvinotikurudzira.”

Vakamirira kuti izvi zviitike, Artur naAnna vanogara vachifunga mashoko ari pana VaHebheru 13:6, anoti: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi. Munhu angandiitei?” Artur anoti: “Tinogara tichifunga nezvekuti kunyange kana vatirambidza kuungana nevamwe kana kuita kuti ini nemudzimai wangu tisaonana, pane zvinhu zvavasingakwanisi kutitorera zvatinokoshesa chaizvo zvinoti ushamwari naJehovha, munyengetero uye tariro yedu yeramangwana.”

a Zvinogona kuchinja.