Enda pane zvauri kuda

Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Hama Sergey Britvin nahama Vadim Levchuk vari mudare

20 AUGUST 2020
RUSSIA

Hama Britvin naHama Levchuk Vanogona Kutongerwa Kugara Mujeri Kwemakore 6 Nehafu

Hama Britvin naHama Levchuk Vanogona Kutongerwa Kugara Mujeri Kwemakore 6 Nehafu

Pachapiwa Mutongo

Mutongo Wavanogona Kupiwa

Makore 6 nehafu mujeri

Nhoroondo Yeupenyu

Sergey Britvin

  • Akaberekwa: 1965 (Kemerovo Region)

  • Upenyu Hwake: Akaita makore akawanda achiita basa rekudhiraivha crane uye magonyeti. Akakurumidza kuenda pamudyandigere nekuti akanga ava kurwara. Anofarira zvemitambo

  • Akachata nemudzimai wake Natalya muna 1992. Akatanga kudzidza Bhaibheri muna 1995 pashure pekunge anzwa nezvevimbiso yaMwari yerumuko. Papera makore, Natalya akazotangawo kudzidza Bhaibheri nekuti akabaiwa mwoyo nekutenda kwairatidzwa naSergey uye kuchinja kwaakanga ari kuita

Vadim Levchuk

  • Akaberekwa: 1972 (Kemerovo Region)

  • Upenyu Hwake: Akakurira mumhuri yaisaita zvechitendero. Akaita makore 14 achishanda mumugodhi

  • Akatanga kudzidza Bhaibheri muna 1992. Akachata naTatiana muna 1997. Vane vana vakomana vaviri. Mhuri yavo yese inotevedzera zvinodzidziswa neBhaibheri. Vanofarira zvemitambo uye kufamba-famba vachifurwa nemhepo

Matangiro Akaita Nyaya Yacho

Musi wa22 July 2018, mapurisa epachivande eFederal Security Service (FSB) akasecha dzimba 8 dzeZvapupu zvinogara muBerezovsky. Hama Britvin nahama Levchuk vakabva vatorwa vakaenda kunobvunzurudzwa. Pashure peizvi, dare reCentral District Court of Kemerovo rakapa mutongo wekuti hama idzi mbiri dziiswe mujeri dzichimirira kuti nyaya yadzo izotongwa. Vakaita rinenge gore nehafu vakavharirwa. Vakabudiswa mujeri musi wa25 December 2019, vachibva vanzi havasi kubvumidzwa kubva pamba kusvikira nanhasi.

MuKemerovo mune hama 5 dzakapomerwa mhosva nemhaka yekutenda kwadzo kusanganisira hama Britvin nahama Levchuk. Tiri kunyengeterera hama nehanzvadzi dzedu dzese dzakasungwa muRussia. VaHebheru 13:3 inoti: “Rambai muchifunga vaya vari mumajeri sekunge makasungwa pamwe chete navo, nevaya vari kubatwa zvakaipa, sezvo nemiwo muchiri mumuviri wenyama.”

^ Zvinogona kungochinja