Enda pane zvauri kuda

Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Hama Aleksandr Vasichkin, Sergey Galyamin, Anatoliy Lyamo, naHama Vladimir Spivak

30 MAY 2023
RUSSIA

Hama Dziri muTeykovo Dziri Kunyatsoona Kuti Jehovha Ari Kudzitsigira

Hama Dziri muTeykovo Dziri Kunyatsoona Kuti Jehovha Ari Kudzitsigira

Dare reTeykovskiy District Court rava pedyo kupa mutongo waro panyaya ine chekuita naHama Sergey Galyamin, Anatoliy Lyamo, Vladimir Spivak, naHama Aleksandr Vasichkin. Muchuchisi haasati ataura kuti anoda kuti vapiwe mutongo wakaita sei.

Nhoroondo Dzeupenyu

Tese tinoziva kuti matambudziko atinosangana nawo munyika ino ndeenguva diki kana achienzaniswa nemakomborero atichapiwa naJehovha nekusingaperi munguva yemberi.—2 VaKorinde 4:17, 18.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 10 April 2020

    Vakapomerwa mhosva

  2. 11 April 2020

    Dzimba dzavo dzakasechwa

  3. 16 April 2020

    Vakarambidzwa kuita nzendo

  4. 2 February 2023

    Nyaya yakatanga kutongwa mudare