15 JUNE 2021
RUSSIA
Hama Ine Makore 75 Iri Kutambudzirwa Kutenda Kwayo Muguta reChelyabinsk
NYAYA IYI PAYAVA | Dare remuRussia Raramba Chikumbiro Chekuti Nyaya Idzoke Mudare
Musi wa15 October 2021, dare reChelyabinsk Regional Court rakaramba chikumbiro chahama Suvorov chekuti nyaya yavo idzoke mudare. Mutongo wavakapiwa ndiwo uchiri kushanda asi havasi kufanira havo kuenda kujeri pari zvino.
Musi wa1 July 2021, dare reMetallurgichesky District Court remuChelyabinsk rakati hama Vladimir Suvorov avo vane makore 75 vane mhosva richibva ravapa mutongo wekugara mujeri kwemakore 6 asi wakambosendekwa padivi.
Nhoroondo Yeupenyu
Vladimir Suvorov
Akaberekwa: 1946 (Chelyabinsk)
Upenyu Hwake: Vaishanda pane mumwe muchina mune imwe fekitari uye vaiitawo zvemadhirama. Vaivawo mutevedzeri wemukuru weSoviet House of Culture. Vanofarira kunyora nziyo uye kuridza gitare
Vakaroorana naValentina muna 1973. Vakabhabhatidzwa seChapupu chaJehovha muna 1993. Vaiva nemwana mukomana mumwe chete ainzi Igor uyo akashaya nekenza muna 2014
Matangiro Akaita Nyaya Yacho
Musi wa16 January 2020, muguta reChelyabinsk, hama Vladimir Suvorov avo vane makore 75, vakatanga kuongororwa. Munhu aivaongorora wemunharaunda yeChelyabinsk akapomera hama Suvorov mhosva yekuronga misangano yechitendero, kusanganisira kuimba, kunyengetera uye kukurukura nezveBhaibheri.
Muna February 2020, mapurisa akatanga kubvunzurudza hama Suvorov uye akavarambidza kufamba nzendo. Musi wa17 June 2020, vakabva vapomerwa mhosva. Hama Suvorov vakati kuomerwa kwavari kuitwa nemhaka yekutambudzwa uku ndemumwe wemiedzo yakakura zvikuru yavati vambosangana nayo. Asi vakatiwo: “Mwari wedu, Jehovha, haana kumbobvira atisiya . . . Ushamwari hwedu naJehovha huri kutowedzera kusimba. Ini nemudzimai wangu tiri kuona kuti ari kutibatsira. Ari kutikurudzira, kutipa simba, uye kutinyaradza achishandisa hama nehanzvadzi dzedu, kunyange dziya dzisiri dzemuungano medu.”
Musi wa11 March 2021, dare rimwe chete iroro riri kutonga nyaya yahama Suvorov rakati hanzvadzi Suvorov, avo vane makore 73, vane mhosva uye vakapiwa mutongo wekugara mujeri kwemakore maviri, asi wakambosendekwa padivi. Vese vari vaviri vari kuramba vaine chivimbo a chekuti Jehovha acharamba ainavo achivatsigira.—Pisarema 118:6.
a Ona hama nahanzvadzi Suvorov vachibvunzwa muvhidhiyo inonzi Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira #4 2021 (10:02).