21 JANUARY 2022
RUSSIA
Hama Nehanzvadzi Dzedu Dzemuguta reKarpinsk Dziri Kuvimba naJehovha Uye Dzine Kutenda Kwakasimba
Dare reKarpinsk City Court of the Sverdlovsk Region rava pedyo kupa mutongo waro panyaya yahanzvadzi Darya Dulova, Venera Dulova, hama Aleksandr Prianikov nemudzimai wavo, hanzvadzi Anastasiya Prianikova, nahanzvadzi Svetlana Zalyaeva. Muchuchisi haasati ataura kuti anoda kuti vapiwe mutongo wakaita sei
Zvinhu Zvakaitika
27 January 2020
Aleksandr, Darya, naVenera vakanzi vane mhosva panyaya yavakatanga kupomerwa
February 2020
Aleksandr, Darya, naVenera vanopomerwa imwe mhosva zvakare
30 March 2020
Mapurisa akasecha dzimba dzavo vachibva vatorerwa mafoni nemakombiyuta
19 May 2020
Anastasiya naSvetlana vakapomerwawo mhosva. Vakanzi vasabuda munharaunda yavanogara
29 April 2021
Nyaya yavo yakatanga kupinda mudare
Nhoroondo Dzeupenyu
Kunyange zvazvo hama nehanzvadzi dzedu dzekuRussia dziri kuramba dzichitambudzwa, zvinosimbisa kutenda kuona kuti Jehovha anovada uye ari kuvatsigira. Kutenda kwavo kwakaedzwa kuri kuita kuti pazita raJehovha “pave nekurumbidzwa nekubwinya nekukudzwa.”—1 Petro 1:7.