Enda pane zvauri kuda

Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Hama Viktor Bachurin, Aleksandr Kostrov, naArtur Netreba

27 APRIL, 2021
RUSSIA

Hama Nhatu dzekuLipetsk Dziri Kutongerwa Kutenda Kwadzo Pashure Pemazuva 331 Dziri Mujeri

Hama Nhatu dzekuLipetsk Dziri Kutongerwa Kutenda Kwadzo Pashure Pemazuva 331 Dziri Mujeri

NYAYA IYI PAYAVA | Dare rekuRussia Rati Hama Nhatu Dzine Mhosva

Musi wa24 November 2021, dare reSovetskiy District Court riri kuLipetsk rakati hama Viktor Bachurin, Aleksandr Kostrov, naArtur Netreba vane mhosva uye mumwe nemumwe wavo akabhadhariswa faindi ye500,000 rubles ($US6,700.) Asi vakanzi vangobhadhara 300,000 rubles ($US4,000) chete nemhaka yekuti vakatoita nguva yakareba vari mujeri. Havasi kufanira havo kuenda kujeri.

Nhoroondo Yeupenyu

Viktor Bachurin

  • Akaberekwa: 1962 (Pavlovsky Posad, muMoscow)

  • Upenyu Hwake: Ane mudzimai nevana vaviri nemuzukuru mumwe chete. Akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha kuma1990 uye akazobhabhatidzwa muna 1992. Pari zvino, ndiye ega Chapupu mumhuri make

Aleksandr Kostrov

  • Akaberekwa: 1961 (Sortavala, Republic of Karelia)

  • Upenyu Hwake: Akamboshanda achidhiraivha ndege, achiita zvekuweredha uye achiita zvekugadzira zvinhu zvemagetsi. Akachata nemudzimai wake Larisa muna 1997. Vane vana vaviri. Iye zvino ava pamudyandigere uye anofarira zvekubata hove. Akabhabhatidzwa muna 2002 pashure pekunge aona kuti kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu kunobatsira

Artur Netreba

  • Akaberekwa: 1978 (Glodeni, Moldova)

  • Upenyu Hwake: Akachata nemudzimai wake Svetlana muna 1995 uye vane mwanasikana mumwe chete. Vakatamira kuLipetsk vachitsvaga mabasa. Anoshanda samaneja. Akazoona kuti kushandisa mazano anotaurwa muBhaibheri kunoita kuti uve neupenyu hune chinangwa. Akabhabhatidzwa muna 2000

Matangiro Akaita Nyaya Yacho

Musi wa2 December 2019, mapurisa akapinda nechisimba mudzimba 7 dziri munharaunda yeLipetsk. Hama Viktor Bachurin, Aleksandr Kostrov, naArtur Netreba vakabva vasungwa. Mapurisa epachivande eFederal Security Service (FSB) akavati vane “mhosva yekutyora mutemo wenyika” nekuti vakapinda misangano yeungano uye vakaita zvinhu zvekunamata zvinoitwa nechitendero chavo. Vakabva vaiswa mujeri kwemazuva 331 vakamirira kuti nyaya yavo izotongwa.

Aleksandr ari kuona kuti nguva yese yaakaita akavharirwa yaita kuti ushamwari hwake naJehovha huwedzere kusimba. Anoti: “Paunosangana nematambudziko akadai unobva waona kuti Jehovha ndiye ari kunyanya kukubatsira.”

Artur akataura kuti: “Ndinoda kuramba ndiine mufaro uye maonero akanaka. Ndinoramba ndichizviudza kuti zviri kuitika ndezvenguva pfupi uye kuti Baba vangu vachandinyaradza. Pese pandinenge ndiri, ndinowana mukana wekutaura nezvaMwari wedu mutsvene, Jehovha.”

Viktor anoti: “Pandakanga ndichisangana nematambudziko aya andisina kumbobvira ndafungira, Jehovha akanyatsondiratidza kuti ishamwari yangu yechokwadi. Ndainzwa kuti Jehovha anondida.”

Viktor ari kuonga chaizvo hama nehanzvadzi dzakabatsira mudzimai wake uyo asiri Chapupu paakanga akavharirwa. Viktor anoti: “Mudzimai wangu akafara chaizvo nerudo rwaakaratidzwa nedzimwe hanzvadzi. Ndine chokwadi chekuti hama dzangu dzakanyatsoona uchapupu hwekuti vanhu vaJehovha vanodanana.”

Tinoziva kuti Jehovha acharamba achinyaradza hama dzedu dziri kutambudzwa kuRussia nekune dzimwe nyika.—Isaya 51:12.