Enda pane zvauri kuda

Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi, nechepamusoro: Hama Nikolay Anufriyev; Hama Eduard Merinkov nemudzimai wavo, Valentina; Hama Gennadiy Polyakevich; uye Hama Aleksandr Prilepskiy

Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi, nechepasi: Hama Viktor Shchannikov nemudzimai wavo, Viktoria; Hama Gennadiy Skutelets; uye Hama Aleksandr Vorontsov nemudzimai wavo, Yelena

20 JANUARY 2022
RUSSIA

Hama Nomwe dzekuRussia Dziri Kuvimba neMusiki Kuti Adzitsigire

Hama Nomwe dzekuRussia Dziri Kuvimba neMusiki Kuti Adzitsigire

Dare rePechora City Court of the Komi Republic rava pedyo kupa mutongo waro panyaya ine chekuita nahama Nikolay Anufriyev, Eduard Merinkov, Gennadiy Polyakevich, Aleksandr Prilepskiy, Viktor Shchannikov, Gennadiy Skutelets, naAleksandr Vorontsov. Muchuchisi haasati ataura kuti anoda kuti vapiwe mutongo waita sei.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 28 January 2020

    Mapurisa akasecha dzimba 12 dzeZvapupu zvaJehovha zvinogara muKomi Republic. Hama Polyakevich nahama Skutelets vakabva vapomerwa mhosva

  2. 30 January 2020

    Hama Polyakevich vakabva vanovharirwa uye hama Gennadiy Skutelets vakarambidzwa kubva pamba

  3. 20-25 May 2020

    Dzimwe hama nehanzvadzi dzinogara muPechora dzakabvunzurudzwa kuti mapurisa aone kana vachikwanisa kupa uchapupu munyaya yacho. Imwe hama yakasitiroka pashure pekutyisidzirwa nemunhu aiongorora nyaya yacho. Iye zvino hama yacho yava neutano hwakanaka

  4. 26 June 2020

    Hama Gennadiy Polyakevich vakanzi varambe vakavharirwa vachimirira kutongwa. Mutongi akati Hama Polyakevich vari kupomerwa kuti “vakapara mhosva yakakura zvikuru nemaune,” mhosva yacho inosanganisira kutaura nezvekuti “vanhu vanofanira kushumira Mwari kunyange kana vakatambudzwa nehurumende”

  5. 24 August 2020

    Mapurisa akasecha dzimba 12 dzezvimwe Zvapupu

  6. 10 November 2020

    Hama Aleksandr Prilepskiy, Aleksandr Vorontsov, Eduard, Nikolay, naViktor vanopomerwa mhosva. Nyaya yavo yakabatanidzwa neyahama Gennadiy Polyakevich nahama Gennadiy Skutelets

  7. 25 November 2020

    Hama Gennadiy Polyakevich vakabudiswa pashure pekunge vaita mazuva 300 vakavharirwa vachimirira kuti nyaya yavo itongwe. Vakabva varambidzwa kubva pamba

  8. 27 January 2021

    Hama Gennadiy Skutelets vakanzi vava kubvumidzwa kubva pamba pashure pekunge vaita mazuva 363 vasingabvumidzwe

Nhoroondo Dzeupenyu

Tine chokwadi chekuti hama dzedu dziri kuwana makomborero iye zvino uye dzichaawana mune ramangwana nekuti dziri kuona kunaka kwaJehovha uye dziri kutenda maari.—Pisarema 27:13.