Enda pane zvauri kuda

Hama Sergey Polyakov nemudzimai wavo, Anastasia

7 DECEMBER 2022
RUSSIA

Hama Sergey Polyakov Vakabudiswa Mujeri kuRussia

Hama Sergey Polyakov Vakabudiswa Mujeri kuRussia

Musi wa30 November 2022, Hama Sergey Polyakov vakabudiswa mujeri mushure mekunge vapedza kupika mutongo wavo wemakore matatu. Kubvira pavakasungwa musi wa4 July 2018, vakatsungirira zvinhu zvakasiyana-siyana mujeri, kusanganisira kuvharirwa mavo vega kwemwedzi mishanu.

Hama Sergey vakaita mwedzi yavo 16 yekupedzisira vari mune rimwe jeri muguta reValday, iro riri kure nekumba kwavo nemakiromita 3 000. Vaizivikanwa semusungwa ane kutenda kwakasimba uye vairemekedzwa nevamwe vasungwa uyewo nevashandi vepajeri racho. Pavainge vakasungwa, Hama Sergey vaikurudzirwa netsamba dzakawanda dzaibva kuhama neshamwari. Kazhinji, vaiwana tsamba dzakawanda pazuva kupfuura dzevamwe vasungwa vese 250 vaiva pajeri racho.

Pashure pekunge vasunungurwa, Hama Sergey vakakwanisazve kuva pamwe chete nemudzimai wavo, Anastasia. Anastasia akaitawo mwedzi mishanu akavharirwa make ega. Akazonzi ane mhosva achibva apiwa mutongo. Asi mutongo wacho wakambosendekwa padivi. Mhuri yekwaPolyakov ndiyo mhuri yekutanga kuvharirwa mujeri zvichitevera mutongo wakapiwa muna 2017 neSupreme Court yekuRussia wekurambidza mabasa ekunamata anoitwa neZvapupu zvaJehovha.

Hama dzedu dzinopfuura 100 dzekuRussia nekuCrimea dzichiri mujeri. Tine chokwadi chekuti Jehovha acharamba achitsigira vaya vari ‘kutsungirira matambudziko uye vari kurwadziswa pasina mhosva yavaita, vachizviitira hana yavo kuna Mwari.’—1 Petro 2:19.