Enda pane zvauri kuda

Kuruboshwe: Hama Aleksandr Skvortsov. Kurudyi: Hama Valeriy Tibiy

27 JUNE 2023
RUSSIA

Hama Skvortsov naHama Tibiy Vakanzi Vane Mhosva

Hama Skvortsov naHama Tibiy Vakanzi Vane Mhosva

Musi wa20 June 2023, dare reTaganrog City Court of the Rostov Region rakati Hama Aleksandr Skvortsov naHama Valeriy Tibiy vane mhosva. Aleksandr akatongerwa kugara mujeri kwemakore 7. Akanga akavharirwa mujeri kubva musi wa7 December 2021 uye acharamba arimo. Valeriy akatongerwa kugara mujeri kwemakore 6, asi mutongo wacho wakambosendekwa padivi. Akanga akavharirwa mujeri kubva musi wa18 May 2022 saka akabva abudiswa.

Nhoroondo Yeupenyu

Tinotenda Jehovha nekutida uye kutitungamirira kwaanoita, izvo zvinoita kuti tikwanise kutsungirira chero dambudziko ratingasangana naro.—Pisarema 5:12.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 20 March 2021

    Imba yaHama naHanzvadzi Skvortsov yakasechwa

  2. 7 December 2021

    Imba yaHama naHanzvadzi Skvortsov yakasechwa zvakare uyewo dzimba 29 dzezvimwe Zvapupu zvaJehovha zvemuTaganrog dzakasechwawo. Hama Skvortsov vakabva vapomerwa mhosva uye vakabva vanovharirwa

  3. 8 December 2021

    Hama Aleksandr Skvortsov vakaiswa mujeri vachimirira kuti nyaya yavo itongwe

  4. 29 March 2022

    Hama Valeriy vanopomerwa mhosva

  5. 31 March 2022

    Vanhu vaiongorora hama idzi vakabatanidza nyaya yaHama Aleksandr neyaHama Valeriy

  6. 18 May 2022

    Hama Valeriy vakasungwa vachibva vavharirwa vakamirira kuti nyaya yavo itongwe

  7. 26 May 2022

    Hama Valeriy vakavharirwa vachimirira kuti nyaya yavo itongwe

  8. 6 December 2022

    Nyaya yacho inotanga kupinda mudare

  9. 20 June 2023

    Hama Aleksandr vakatongerwa makore 7 mujeri. Hama Valeriy vakatongerwa makore 6 asi akambosendekwa padivi.

a b Nyaya ino payainyorwa, Hama Skvortsov naHama Tibiy vakanga vari mujeri saka hatina mashoko atakawana kubva kwavari.