Enda pane zvauri kuda

Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Hama Vladimir Chesnokov, Vladimir Dutkin, naValeriy Yakovlev

7 JANUARY 2022
RUSSIA

Hama Vladimir Chesnokov, Vladimir Dutkin, naValeriy Yakovlev Vari Kutongerwa Kutenda Kwavo Muna Mwari

Hama Vladimir Chesnokov, Vladimir Dutkin, naValeriy Yakovlev Vari Kutongerwa Kutenda Kwavo Muna Mwari

NYAYA IYI PAYAVA | Dare rekuRussia Rati Zvapupu zvaJehovha Zvitatu Zvine Mhosva

Musi wa10 February 2022, dare reKalininskiy District Court kuCheboksary rakati hama Vladimir Chesnokov, Vladimir Dutkin, nahama Valeriy Yakovlev vane mhosva. Hama Dutkin vakanzi vabhadhare faindi ye500,000 rubles (US$6,715.), uye hama Chesnokov nahama Yakovlev mumwe nemumwe wavo akanzi abhadhare 400,000 rubles (US$5,372.). Havasi kufanira havo kuenda kujeri

Zvinhu Zvakaitika

  1. 7 June 2021

    Hama Vladimir Chesnokov nahama Valeriy Yakovlev vakapomerwawo mhosva iri kupomerwa hama Vladimir Dutkin

  2. 30 December 2020

    Hama Vladimir Dutkin vakanzi vane mhosva vachibva vanzi vasaita nzendo

  3. 25 November 2020

    Hama Vladimir Dutkin vakapomerwa mhosva uye imba yavo yakabva yasechwa. Vakabva vaendwa navo kuti vanobvunzurudzwa

Nhoroondo Yeupenyu

Kuverenga Shoko raMwari uye kurifungisisa kuri kubatsira hama nehanzvadzi dzedu kutsungirira zvavari kusangana nazvo uye vari kuona kuti Jehovha ‘inzvimbo yekuvanda pazuva redambudziko.’—Pisarema 27:5.