Enda pane zvauri kuda

18 FEBRUARY 2020
RUSSIA

Hama Yevgeniy Aksenov Vanzi Vane Mhosva Uye Vatongerwa Makore Maviri Mujeri kuRussia Asi Asendekwa Padivi

Hama Yevgeniy Aksenov Vanzi Vane Mhosva Uye Vatongerwa Makore Maviri Mujeri kuRussia Asi Asendekwa Padivi

Musi wa18 February 2020, dare reZheleznodorozhniy District Court riri kuKhabarovsk kuRussia, rakati hama Aksenov vane mhosva richibva ravatongera makore maviri mujeri asi makore acho akasendekwa padivi. Mumakore maviri aya, kana hama Aksenov vakatama pavari kugara kana kuti vakapara imwe mhosva vachabva vaendeswa mujeri. Mwedzi 6 yekutanga vanofanira kuenda kukamba yemapurisa kamwe chete pamwedzi. Mumwedzi iyi 6 havabvumirwi kubuda muguta ravo reKhabarovsk uye kubva pamba kana ava manheru. Hama Aksenov vachakumbira kuti nyaya yavo idzoke kudare.