Enda pane zvauri kuda

Hanzvadzi Anastasiya Guzeva nemurume wavo Konstantin

2 APRIL, 2021
RUSSIA

Hanzvadzi Anastasiya Guzeva Vanogona Kuvharirwa Mujeri Pamusana Pezvavanotenda

Hanzvadzi Anastasiya Guzeva Vanogona Kuvharirwa Mujeri Pamusana Pezvavanotenda

NYAYA IYI PAYAVA | Dare rekuRussia Raramba Kuti Nyaya Iyi Idzoke Zvekare Mudare

Musi wa2 December 2021 dare riri kuJewish Autonomous Region rakaramba chikumbiro chahanzvadzi Guzeva chekuti nyaya yavo inzwiwe zvekare mudare. Mutongo wavakanga vapiwa ucharamba uripo. Havasi kufanira havo kuenda kujeri pari zvino.

Musi wa19 August 2021 dare reBirobidzhan District Court riri munzvimbo inonzi Jewish Autonomous Region rakati hanzvadzi Guzeva vane mhosva richibva ravatongera mwedzi 30 mujeri asi mutongo wacho wakabva wambosendekwa padivi.

Nhoroondo Yeupenyu

Anastasiya Guzeva

  • Akaberekwa: 1979 (Birobidzhan)

  • Upenyu Hwake: Iye pamwe chete nehanzvadzi dzake mbiri vakakura vachirerwa naamai vavo. Paaiva mudiki aifarira zvekuverenga, kuita zvemitambo, uye kuita ballroom dancing. Paaiva nemakore 10, akawana Bhaibheri pamba pambuya vake. Izvi ndozvakaita kuti atange kuda kuziva zvakawanda nezvaMwari. Pava paya, iye naamai vake vakazotanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Vese vakabhabhatidzwa muna 1995. Muna 2001 akazoroorwa naKonstantin

Matangiro Akaita Nyaya Yacho

Mapurisa ekuRussia akapinda nechisimba mumba maAnastasiya nemurume wake Konstantin muna May 2018. Muna July 2019 murume wake akapomerwa mhosva yekupandukira hurumende uye iyewo achibva azopomerwa mhosva imwe chete iyoyo muna February 2020. Pane nyaya 19 dzakatoendeswa kumatare dzekupomera Zvapupu zvaJehovha 23 zvinogara munzvimbo iyi yeJewish Autonomous Region.

Nyaya iyi yavari kupomerwa yakavhiringidza upenyu hwaAnastasiya nemurume wake. Nemhaka yekuti vakapomerwa mhosva yekupandukira hurumende, vakabva vasiya basa pane chimwe chikoro chavaidzidzisa kuimba. Muna February 2021 murume wake akatongerwa makore maviri nehafu mujeri asi mutongo wacho uchibva wasendekwa padivi.

Anastasiya anotaura zviri kumubatsira kuti atsungirire. Anoti: “Zviri nani kuti ugare wazviudza kuti uchatambudzwa wobva watanga kufungidzira zvauchazoita kana wava kuzotambudzwa. Semuenzaniso, paunoverenga zvinhu zvakaitika musi wekupedzisira Jesu asati aurayiwa, zviri pachena kuti anofanira kunge akafunga zvaaizoita paaizosungwa, . . . kuti ndepapi paaizotaura, nepaaizoramba akanyarara uye kuti zvii zvaaizotaura kana kuri kuti aifanira kutaura.”

Anastasiya anoti mashoko ari pana VaRoma 8:38, 39 anomukurudzira chaizvo. Anoti: “Mashoko aya anoita kuti ndifare. Pane vanhu vaviri vane simba panyika nekudenga, uye vanhu ivavo vanondida uye hapana anogona kuparadza rudo irworwo. Kuziva izvi kuri kundibatsira kuti ndikwanise kutsungirira uye ndive neushingi.”