Enda pane zvauri kuda

Hanzvadzi Anna Lokhvitskaya vakamira padare muna October 2020

25 FEBRUARY 2021
RUSSIA

Hanzvadzi Anna Lokhvitskaya, Nemurume Wavo Navamwene Vavo Vari Kupomerwa Mhosva

Hanzvadzi Anna Lokhvitskaya, Nemurume Wavo Navamwene Vavo Vari Kupomerwa Mhosva

NYAYA IYI PAYAVA | Dare remuRussia Raramba Chikumbiro chaHanzvadzi Lokhvitskaya

Musi wa16 December 2021, dare reJewish Autonomous Region rakaramba chikumbiro chahanzvadzi Anna Lokhvitskaya chekuti nyaya yavo idzoke zvekare mudare. Havasi kufanira havo kuenda kujeri pari zvino.

Musi wa20 July 2021, dare reBirobidzhan District Court of the Jewish Autonomous Region rakatongera hanzvadzi Anna makore maviri nehafu ekugara mujeri. Asi mutongo wacho wakambosendekwa padivi.

Nhoroondo Yeupenyu

Anna Lokhvitskaya

  • Akaberekwa: 1993 (Birobidzhan)

  • Upenyu Hwake: Akarerwa naamai vake uye ndivo vakamudzidzisa kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri. Akabhabhatidzwa muna 2012. Anoita basa rekusona. Akachata nemurume wake, Artur, muna 2018. Vanofarira kuraura, kumbovhakacha uye kutamba bhora

Matangiro Akaita Nyaya Yacho

Musi wa6 February 2020, Anna nedzimwe hanzvadzi 5 vakapomerwa mhosva yekupandukira hurumende nemapurisa emuBirobidzhan. Zvapupu 19 zvinogara muBirobidzhan zvakapomerwa mhosva kusanganisira murume wahanzvadzi Anna navamwene vake.

Mhosva yavari kupomerwa iri kuita kuti upenyu huwedzere kuomera hama nahanzvadzi Lokhvitskaya. Havasi kukwanisa kuvhakacha, maakaundi avo ekubhengi akavharwa uye havasi kubvumidzwa kuwana rubatsiro kubva kuhurumende. Izvi zviri kuti hanzvadzi Anna vagare vachishungurudzika, zvekuti dzimwe nguva vanga vachitofanira kuenda kwachiremba.

Vakataura zvimwe zvinhu zviri kuvabatsira. Vanoti: “Nziyo dzinobuda pabroadcasting dzinoita kuti ndinzwe zviri nani. Izvi zviri kundibatsira kuti ndisanyanye kunetseka uye ndive nemaonero akanaka pasinei nekuti zvinhu zvakamira sei. Kugara ndichiita maekisesaizi kuri kundibatsirawo kuti ndifunge zvinhu zvinovaka uye zvinokurudzira.”

Uyewo, hanzvadzi Anna vanoti ivo nemurume wavo vanogara vachiisa zvinodiwa nevamwe pekutanga. Vanoti, “Mwedzi wega wega, tinoronga kuti tipe vamwe zvipo kunyange zvipo zvidiki chaizvo. Tinoedza kufunga vamwe kwete kungofunga matambudziko edu chete.”

Vakamirira kupiwa mutongo wavo, hanzvadzi Anna vari kuona kuti vane ‘mukana wekuratidza nemabasa kuti vakavimbika kuna Jehovha.’—Pisarema 18:25.