Enda pane zvauri kuda

Hanzvadzi Larisa Artamonova

15 FEBRUARY 2021
RUSSIA

Hanzvadzi Artamonova Vanzi Vane Mhosva Nemhaka Yezvavanotenda

Hanzvadzi Artamonova Vanzi Vane Mhosva Nemhaka Yezvavanotenda

Mutongo Wakapiwa neDare

Musi wa12 February 2021, dare reBirobidzhan District Court remunharaunda yeJewish Autonomous Region rakapa mutongo panyaya yahanzvadzi Larisa Artamonova. Kunyange zvazvo vaigona kupiwa mutongo wekugara mujeri kwemakore 6, dare rakati vabhadhare faindi ye10 000 rubles (US$135).

Nhoroondo Yeupenyu

Larisa Artamonova

  • Akaberekwa: 1970 (Birobidzhan, Jewish Autonomous Region)

  • Upenyu Hwake: Baba vake vakapondwa paaiva nemakore matatu. Akamboita basa rekubika, regraphic designing, uye rekusona. Akaroorwa muna 1990. Ane mwana mukomana mumwe chete anonzi Yevgeniy uyo ane chirwere chisina kujairika. Larisa ane chirwere chinoita kuti arwadziwe nemajoini ake. Pasinei nekuti anorwara, haangosweri akagara. Anofarira kuchovha bhasikoro, kuita zveskating neskiing, uye kudhirowa

    Akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha nekuti aida kuziva nei vanhu vachibatwa zvisina kunaka, nei zvinhu zvakaipa zvichiitika uye kuti nei vanhu vachifa. Akawana mhinduro dzinogutsa kubva muBhaibheri uye akabhabhatidzwa muna 1995

Matangiro Akaita Nyaya Yacho

Musi wa25 September 2019, mapurisa emuRussia akapomera hanzvadzi Larisa Artamonova mhosva. Mwanakomana wavo anewo mhosva yaari kupomerwa. Vari pakati peZvapupu 22 zvemunharaunda yeJewish Autonomous Region zviri kupomerwa mhosva yekubatana nesangano rinonzi rinopandukira hurumende.

Murume akauraya baba vaLarisa akapiwa mutongo wekugara mujeri wemakore 6. Saka amai vaLarisa nababa vake vekurera vakashamiswa chaizvo kuti hanzvadzi Larisa vakapotsa vapiwa mutongo wakafanana naiwoyo.

Nguva pfupi kutambudzwa uku kusati kwatanga mutaundi reBirobidzhan, hanzvadzi Larisa nemwanakomana wavo vakanga vawedzera ushumiri hwavo. Hanzvadzi Larisa vakati: “Kugara wakabatikana mubasa raJehovha uye kusimbisa ushamwari hwako naye semunhu ega uye semhuri kunobatsira kuti usatya.” Vakawedzerawo kuti: “Satani anoshandisa vaya vanotitambudza kuti vaite kuti tifunge kuti kushumira Jehovha kunotitorera rusununguko rwedu. Asi Jehovha anotiudza kuti rusununguko rwedu runobva pakuita zvinhu zvaanogara achitidzidzisa kuti tiite.”

Hama nehanzvadzi 22 dzemutaundi reBirobidzhan dzakapomerwa mhosva, dzine chokwadi chekuti Jehovha anofadzwa nekutendeka kwavo uye kuti zvavari kuita zviri kuita kuti agone kupindura kushora kwaSatani.—Zvirevo 27:11.