Enda pane zvauri kuda

Hanzvadzi Galina Parkova

25 JANUARY 2021
RUSSIA

Hanzvadzi Galina Parkova Vari Kumirira Kuti Nyaya Yavo Itongwe Uye Murume Wavo Ari Mujeri

Hanzvadzi Galina Parkova Vari Kumirira Kuti Nyaya Yavo Itongwe Uye Murume Wavo Ari Mujeri

Pachapiwa Mutongo

Dare reLeninskiy District Court of Rostov-on-Don richapa mutongo waro panyaya yahanzvadzi Galina Parkova. a Muchuchisi akakumbira dare kuti vapiwe makore matatu akasendekwa padivi ekugara mujeri kana vakanzi vane mhosva.

Nhoroondo Yeupenyu

Galina Parkova

  • Akaberekwa: 1970 (Kaltan)

  • Upenyu Hwake: Muna 1990, hanzvadzi Galina vakachata nahama Aleksandr. Vane vanasikana vatatu nevazukuru vaviri. Vakadzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Vakabhabhatidza muna 1995. Vanofarira kuimba nekudhirowa

Matangiro Akaita Nyaya Yacho

Mapurisa akatanga kupomera hanzvadzi Galina mhosva musi wa6 June 2019. Izvi zvakaitika pashure pemavhiki mashoma kubva pakasungwa murume wavo, Aleksandr, achibva aiswa mujeri achimirira kuti nyaya yake itongwe.

Sezvo murume wavo akasungwa, hanzvadzi Galina vari kuomerwa nekuwana mari inokwana kuti vararame. Uyewo, hurumende yakaita kuti kadhi ravo rekubhengi risashanda, saka havasi kukwanisa kutora mari yavo iri mubhengi kusanganisira yavanotambira kubasa. Izvi zvakaita kuti vasiye basa ravaiita uye vava kungoita mabasa akasiyana-siyana kuti vakwanise kuwana chekurarama.

Hama nehanzvadzi dzedu dzekuRussia “vanhu vakarurama vanobatwa sekuti vakaita zvakaipa.” (Muparidzi 8:14) Asi muenzaniso wavo wekutenda unotisimbisa kuti tirambe takashinga pasinei nemiedzo yatingasangana nayo.

a Hazvizivikanwi kuti dare richapa mutongo waro musi upi.