Enda pane zvauri kuda

Hanzvadzi Yelena Savelyeva

28 OCTOBER 2021
RUSSIA

Hanzvadzi Ine Makore 80 Iyo Yaimbova Mudzidzisi Iri Kupomerwa Mhosva Yekutaura nezveBhaibheri

Hanzvadzi Ine Makore 80 Iyo Yaimbova Mudzidzisi Iri Kupomerwa Mhosva Yekutaura nezveBhaibheri

Zvinhu Zvakaitika

  1. Musi wa17 November 2021, dare reSeverskiy City Court remunharaunda yeTomsk Region rakati hanzvadzi Yelena Savelyeva vane mhosva richibva ravatongera kugara mujeri kwemakore 4, asi wakambosendekwa padivi. Havasi havo kufanira kuenda kujeri pari zvino. Muchuchisi akanga ambokumbira kuti hanzvadzi Savelyeva, avo vane makore 80 vabhadhariswe faindi ye500 000 rubles (US$7 198)

  2. 22 July 2021

    Nyaya yakatanga kupinda mudare

  3. 25 March 2021

    Vachuchisi vemuRussia vakapomera hanzvadzi Savelyeva mhosva. Vari kuti mhosva yavo “ndekunyengetedza vanhu kuti vaite mabasa esangano rinonzi rinopandukira hurumende” maererano neArticle 282.2 yemitemo ine chekuita nekuparwa kwemhosva muRussia, Criminal Code of the Russian Federation.

    Kupomerwa kwavari kuitwa kuri kubva pauchapupu hwakapiwa nevamwe vakadzi vaviri. Mumwe wacho mupurisa wepachivande weFSB uye mumwe wacho anoshanda kuRussian National Guard. Vakadzi ava vainyepedzera kufarira kudzidza Bhaibheri, asi vairekodha zvavaitaura nahanzvadzi Savelyeva vachibva vatumira mashoko pamusoro pahanzvadzi Savelyeva nevamwe vavanonamata navo kumapurisa

Nhoroondo Yeupenyu

Kushinga kuri kuita hanzvadzi Savelyeva pasinei nekutambudzwa kunoitawo kuti tishinge. Tine chokwadi chekuti Jehovha anoona vaya vese vari ‘kushanda nesimba pamwe chete nekuda kwekutenda kwemashoko akanaka, vasingambotyi vanovapikisa.’—VaFiripi 1:27, 28.