Enda pane zvauri kuda

Hanzvadzi Irina Lokhvitskaya

29 MARCH 2021
RUSSIA

Hanzvadzi Irina Lokhvitskaya Vari Kuramba Vakashinga Pasinei Nemhosva Yavari Kupomerwa

Hanzvadzi Irina Lokhvitskaya Vari Kuramba Vakashinga Pasinei Nemhosva Yavari Kupomerwa

NYAYA IYI PAYAVA | Dare remuRussia Raramba Chikumbiro Chekuti Nyaya Idzoke Mudare

Musi wa16 November 2021, dare remunharaunda yeJewish Autonomous Region rakaramba chikumbiro chahanzvadzi Irina Lokhvitskaya chekuti nyaya yavo idzoke mudare. Mutongo wavakapiwa ndiwo uchiri kushanda asi havasi kufanira havo kuenda kujeri pari zvino.

Musi wa19 July 2021, dare reBirobidzhan District Court remunharaunda yeJewish Autonomous Region rakati hanzvadzi Lokhvitskaya vane mhosva richibva ravapa mutongo wekugara mujeri kwemakore maviri nehafu asi wakabva wambosendekwa padivi.

Nhoroondo Yeupenyu

Irina Lokhvitskaya

  • Akaberekwa: 1962 (Izvestkovyi, Jewish Autonomous Region)

  • Upenyu Hwake: Baba vake vakashaya aine makore 6. Paaiva mudiki aifarira kutamba, kuita zvemadhirama, kuruka, uye kutamba basketball nevolleyball

    Vimbiso yeBhaibheri yekuti vakafa vachamuka yakamubaya mwoyo. Akabhabhatidzwa seChapupu chaJehovha muna 1993. Pashure pemwedzi 7 abhabhatidzwa, murume wake akashaya, akasara achirera mwanakomana wavo, Artur, uyo aiva nemakore 7

Matangiro Akaita Nyaya Yacho

Musi wa6 February 2020, mapurisa emuBirobidzhan akapomera hanzvadzi Irina Lokhvitskaya pamwe chete nedzimwe hanzvadzi 5, mhosva yekuita zvinhu zvinonzi ndezvekupandukira hurumende. Zvapupu 21 zvemunharaunda iyi, kusanganisira mwanakomana waIrina, Artur, nemudzimai wake Anna vakapomerwa mhosva.

Dare rakarambidza vamwe vanhu kusanganisira vatori venhau nehama dzaIrina kuti vavepo paaitongwa. Rakarambawo chikumbiro chake chekuti vanhu vange vari mudare paanenge achitongwa uye chekuti nyaya idzorerwe kuhofisi yemuchuchisi.

Zviri kuitika izvi zviri kukanganisa utano hwaIrina uye zviri kuitawo kuti dzimwe nguva aore mwoyo. Asi kugara achiita zvinhu zvekunamata ndiko kuri kumubatsira kutsungirira. Akati: “Jehovha akandibatsira kuti ndive nepurogiramu yakarongeka. Handingogumiri pakuverenga Bhaibheri, asi ndinonyatsotsvakurudza kuti ndinzwisise zvandinenge ndichiverenga.” Paakatanga kunetseka zvekuti akanga ava kutadza kuverenga Bhaibheri, Irina akanyengetera achikumbira kubatsirwa naJehovha. Akati: “Ndakatanga kunyengetera nemwoyo wese uye ndakaronga kuti nditangezve kuita zvandaimboita. Jehovha akandidzidzisa kuti ndiwedzere kufunga nezvevamwe pane kungozvifunga.”

Irina anoisa pfungwa pakubatsira vaya vanoda kutsigirwa uye kukurudzirwa. Ava vanosanganisira vaya vanofarira uye hama nehanzvadzi dzake. Anoti: “Paunofunga vamwe, hauna nguva yekuzvinzwira tsitsi kana kunyanya kunetseka.”

Vanhu vemuungano, kunyanya vakuru vari kusimbisawo Irina chaizvo. Akati: “Pasinei nekuti ivo vari kutambudzwawo, vanondinyaradza uye vanogara vachindiudza mashoko anokurudzira. Vanondibatsirawo pese pandinenge ndichida kubatsirwa saka ndinovatenda chaizvo.”

Irina paari kutsungirira dambudziko iri, tine chivimbo chakafanana nechaainacho chekuti Jehovha achamupa zvese zvaanoda. Akati: “Pandaiverenga nezvekutambudzwa, ndaiedza kufungidzira kuti kana ndikatambudzwawo, ndaizoita sei. Ndaizovimba naJehovha here? Iye zvino ndava nemhinduro yacho. Ndichibatsirwa naJehovha, ndicharamba ndichivimba naye. Sezvakangoitawo vashumiri vake vese vakatendeka, ndicharamba ndakashinga uye Jehovha achandibata neruoko rwake rwerudyi.”—Isaya 41:10.