25 FEBRUARY, 2021
RUSSIA
Hanzvadzi Nataliya Kriger Vanogona Kunzi Vane Mhosva Zvichitevera Urongwa Hwehurumende Hwekusecha Dzimba Hwainzi “Zuva Rekutongwa”
NYAYA IYI PAYAVA | Dare rekuRussia Raramba Kuti Nyaya Iyi Idzoke Zvekare Mudare
Musi wa25 November, 2021, dare remunharaunda yeJewish Autonomous Region rakaramba chikumbiro chahanzvadzi Nataliya Kriger chekuti nyaya yavo inzwiwe zvekare mudare. Mutongo wavakanga vapiwa ucharamba uripo. Havasi kufanira havo kuenda kujeri pari zvino.
Musi wa30 July, 2021, dare reBirobidzhan District Court remunharaunda yeJewish Autonomous Region rakati hanzvadzi Kriger vane mhosva. Rakabva ravapa mutongo wekugara mujeri kwemakore maviri nehafu, asi mutongo wacho wakambosendekwa.
Nhoroondo Yeupenyu
Nataliya Kriger
Akaberekwa: 1978 (Khabarovsk)
Upenyu Hwake: Amai vake vakashaya achiri mucheche. Aimbogara kunochengetwa nherera. Paakanga ava nemakore 6, akaenda kunogara kuAmurzet, muRussia iyo iri makiromita 400 kubva muKhabarovsk. Ikoko aigara naambuya vake, nedzimwe hama dzake avo vari Zvapupu zvaJehovha. Aiita basa rekuchengeta vakwegura
Akabhabhatidzwa seChapupu chaJehovha muna 1999. Akaroorana nemurume wake, Valeriy, muna 2017. Vanofarira kutamba, kukwasva nekufamba vachiona nzvimbo
Matangiro Akaita Nyaya Yacho
Mapurisa Russia akasecha imba yahama nahanzvadzi Kriger muna May 2018. Uhwu hwaiva urongwa hwehurumende hwekusecha dzimba dzakawanda hwavakadaidza kuti “Zuva Rekutongwa.” Izvi zvakabva zvaita kuti muchuchisi wemunharaunda yavaigara atange kupomera Valeriy mhosva. Musi wa6 February, 2020, Nataliya akatangawo kupomerwa mhosva. Aiva pakati pehanzvadzi 6, dzakapomerwa mhosva musi iwoyo.
Kuwedzera pamhosva yaari kupomerwa, Nataliya achiri kunetseka nekufirwa kwaakaitwa naambuya vake muna February 2020. Akanga ava nemakore 6 achigara navo.
Nataliya ane ushamwari hwakasimba naJehovha uye izvozvo zviri kumubatsira kuti atsungirire miedzo iyi yaari kusangana nayo. Anoti: “Kunyengeterera vamwe, kuri kundibatsira kuti ndisaisa pfungwa panhamo dzangu. Muedzo uyu wandasangana nawo waita kuti ndiwedzere kuswedera pedyo naJehovha uye ndimuone semunhu chaiye. Ari kupindura minyengetero yangu uye ari kunditsigira.”
Nataliya anogara achifunga nezvezvinhu zvinoita kuti ave nechokwadi chekuti Jehovha acharamba achimutsigira. Anoti: “Pisarema 94:19 inondisimbisa chaizvo painoti: ‘Makandinyaradza uye makandizorodza.’ Pane mienzaniso yakawanda yevanhu vekare nevemazuva ano inoratidza kuti vashumiri vaMwari vanokwanisa kutsungirira miedzo vasingatyi. Kufungisisa muenzaniso iyi kuri kundipa simba.”