Enda pane zvauri kuda

Hanzvadzi Viktoriya Verkhoturova

18 AUGUST, 2021
RUSSIA

Hanzvadzi Viktoriya Verkhoturova Vanoramba Vachifara Pasinei Nekuti Vanogona Kunzi Vane Mhosva

Hanzvadzi Viktoriya Verkhoturova Vanoramba Vachifara Pasinei Nekuti Vanogona Kunzi Vane Mhosva

Zvinhu Zvakaitika

  1. Musi wa29 November, 2021, dare rePriokskiy District Court remuNizhny Novgorod rakati hanzvadzi Viktoriya Verkhoturova vane mhosva richibva ravapa mutongo wekugara mujeri kwemakore 4 asi wakambosendekwa padivi. Havasi kuendeswa kujeri pari zvino

  2. 17 July, 2020

    Hanzvadzi Viktoriya vakarambidzwa kufamba nzendo

  3. 26 March, 2020

    Nyaya yahanzvadzi Viktoriya yakapinda mudare

  4. 17 July, 2019

    Mapurisa 10 nemumwewo aiongorora vakaita maawa 5 vachisecha imba yavo. Vakaisa Viktoriya mune rimwe kamuri, murume wake, Sergey achibva aiswa mune rimwe. Mapurisa akaedza kutyisidzira Viktoriya nekumuudza kuipa kwakaita zvinhu mujeri

Nhoroondo Yeupenyu

Hama nehanzvadzi dzedu dzekuRussia dziri kuramba dzichifara pasinei nekutambudzwa nekuti vari kubatsirwa naJehovha. Tinoziva kuti acharamba achipa hama dzedu idzi dzatinoda “mufaro nerugare.”—VaRoma 15:13.