25 NOVEMBER, 2021
RUSSIA
Jehovha Ari Kunyaradza Hama Yevgeniy Korotun
NYAYA IYI PAYAVA | Dare rekuRussia Rati Hama Yevgeniy Korotun Vane Mhosva
Musi wa20 January 2022, dare reSeversky City Court riri munzvimbo inonzi Tomsk rakati hama Yevgeniy Korotun vane mhosva, richibva ravatongera makore 7 mujeri. Vakabva vatoendeswa mujeri.
Zvinhu Zvakaitika
31 March, 2021
Nyaya yacho yapinda mudare
7 September, 2020
Vakasungwa vachibva vaendeswa kudare uye vachibva ikoko vakabva vaendeswa kuremand
15 July, 2020
Vakanzi vasabva pamba
14 July, 2020
Mapurisa epachivande eFederal Security Service (FSB) akasecha dzimba 6 dzeZvapupu zvaJehovha kuSeversk, kusanganisira yahama Korotun
13 July, 2020
Dhoketi rakabva ravhurwa, mhosva iri kupomerwa Yevgeniy ichibva yatanga kuongororwa
2018–2019
Mapurisa maviri epachivande akanyepedzera kunge anofarira kudzidza Bhaibheri vachibva varekodha kudzidza kwavaiita naYevgeniy uye ndizvo zvavari kushandisa seumboo hwekupomera Yevgeniy mhosva
Nhoroondo Yeupenyu
Tine chokwadi chekuti Jehovha acharamba aina hama Korotun nemhuri yavo pamwe chete nevamwe vese vari kumushumira vakatendeka munguva idzi dzakaoma.—VaRoma 15:5.
a Hatina kukwanisa kubvunza hama Korotun nekuti vachiri muremand.