1 JUNE 2022
RUSSIA
Jehovha Ari Kuvabatsira Kuti Varambe Vakavimbika
Dare reNizhnekamsk City Court of the Republic of Tatarstan rava pedyo kupa mutongo waro panyaya yaDenis Filatov, Stanislav Klyuchnikov, naDmitriy Yarchak. Muchuchisi haasati ataura kuti anoda kuti vapiwe mutongo wakadii.
Zvinhu Zvakaitika
18 November 2020
Mapurisa eFSB nemamwe akanga aine zvombo akapinda zvechisimba mudzimba 12 dzeZvapupu zvaJehovha muguta reNizhnekamsk. Hama 9 nehanzvadzi 3 dzakatorwa kuti dzinobvunzurudzwa
24 August 2021
Pashure pekunge vabvunzurudzwa, Denis, Stanislav, naDmitriy vakabva varambidzwa kuita nzendo
7 October 2021
Denis, Stanislav, naDmitriy vakanzi vane mhosva. Vakapomerwa mhosva yekuimba nziyo dzechitendero uye kunyengetera
27 January 2022
Nyaya yavo yakabva yaendeswa kudare reNizhnekamsk City Court of the Republic of Tatarstan
Nhoroondo Yeupenyu
Hama dzedu dziri kuramba dzichivimba naJehovha kuti adzipe simba uye tine chokwadi chekuti vari kunzwa sezvakaita Dhavhidhi paakati: “Ichi ndicho chivimbo chandiinacho: Mwari ari kurutivi rwangu.”—Pisarema 56:9.