Enda pane zvauri kuda

Hama Pyotr Krupnov nemudzimai wavo, Maya

4 JANUARY 2022
RUSSIA

Kugadzirira Uye Kuva Netariro Zviri Kubatsira Hama Pyotr Krupnov Nemudzimai Wavo

Kugadzirira Uye Kuva Netariro Zviri Kubatsira Hama Pyotr Krupnov Nemudzimai Wavo

Zvinhu Zvakaitika

  1. 30 December 2021

    Dare reNikolskiy District Court riri munharaunda yePenza rakati hama Pyotr Krupnov nemudzimai wavo Maya, vane mhosva, richibva ravatongera makore matatu mujeri asi mutongo wacho wakabva wasendekwa padivi. Havasi kufanira havo kuenda kujeri pari zvino

  2. 25 October 2021

    Nyaya yacho yakapinda mudare

  3. 12 October 2021

    Mazita ahama nahanzvadzi Krupnov akanyorwa pamazita evanhu vanopandukira hurumende nekuti vaikurukura nyaya dzechitendero neshamwari dzavo

  4. 15 September 2021

    Maya akapomerwa mhosva. Nekufamba kwenguva Pyotr akapomerwawo

  5. 11 October 2020

    Mapurisa akasecha dzimba 4 dzeZvapupu zvaJehovha kuNikolsk, kusanganisira imba yahama nahanzvadzi Krupnov

Nhoroondo Yeupenyu

Tinokurudzirwa chaizvo nemuenzaniso wahama nahanzvadzi Krupnov sezvavari kuramba vaine tariro yakasimba uye vachivimba naJehovha.—VaHebheru 6:19.