Enda pane zvauri kuda

Hama Boris Yagovitov nemudzimai wavo, Nataliya

30 SEPTEMBER 2022
RUSSIA

Kuramba Vachifara Kuri Kuita Kuti Vakurire Kuora Mwoyo

Kuramba Vachifara Kuri Kuita Kuti Vakurire Kuora Mwoyo

Dare reSolnechniy District Court of the Khabarovsk Territory rava pedyo kupa mutongo waro panyaya yahama Boris Yagovitov. Muchuchisi akakumbira kuti vatongerwe kugara mujeri kwemakore 5 uye kuti vazorambidzwa kuita zvimwe zvinhu kwemamwe makore 2 nemwedzi 11. Mutongo uri kutarisira kupiwa musi wa10 October 2022.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 14 December 2020

    Mapurisa akaongorora mashoko akarekodhwa pachivande, Boris achitaura nemumwe munhu ainyepedzera kunge anofarira zvekudzidza Bhaibheri

  2. 14 May 2021

    Boris anopomerwa mhosva yekupinda misangano yesangano rakabhanwa nehurumende uye kuedza kukoka vamwe kuti vauyewo kusangano racho

  3. 5 June 2021

    Boris nemudzimai wake Nataliya vakabvunzurudzwa imba yavo payaisechwa. Boris akabva ambovharirwa mujeri

  4. 7 June 2021

    Akabudiswa mujeri achibva arambidzwa kubva pamba

  5. 29 December 2021

    Nyaya inotanga kutongwa mudare. Paitongwa nyaya, muchuchisi akakumbira kuti Boris avharirwe mujeri nekuti akati akanga akatyora murayiro waakapiwa wekuti asabva pamba. Boris akabva aiswa mujeri rinoiswa vanhu vanenge vakamirira kutongwa

  6. 24 February 2022

    Nyaya yakadzorerwa kumuchuchisi nekuti pane zvakakanganiswa nevakaongorora nyaya yacho asi Boris akaramba akavharirwa mujeri

  7. 20 June 2022

    Nyaya inoenderera mberi kutongwa mudare

Nhoroondo Yeupenyu

Boris naNataliya vari kuratidza muenzaniso wakanaka wekuisa pfungwa dzavo pazvinhu zvakarurama uye zvinorumbidzwa. Tine chivimbo chekuti “Mwari werugare” acharamba ainavo.—VaFiripi 4:8, 9.

a Painyorwa nyaya ino, hama Yagovitov vakanga vachiri mujeri vakamirira kuzotongwa. Hatina kukwanisa kukurukura navo.