Enda pane zvauri kuda

Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi, nechepamusoro: Hama Aleksey Antyukhin, Sergey Baev, Yuriy Galka, Valeriy Gurskiy, naVitaliy Nerush. Nechepazasi: Hama Igor Popov, Yevgeniy Sokolov, Mikhail Veselov, naAnatoliy Yagupov

20 SEPTEMBER 2022
RUSSIA

Kutsungirira Kunoita Kuti Pave Nemakomborero

Kutsungirira Kunoita Kuti Pave Nemakomborero

Dare reLevoberezhniy District Court of the City of Voronezh rava pedyo kupa mutongo waro panyaya yahama Aleksey Antyukhin, Sergey Baev, Yuriy Galka, Valeriy Gurskiy, Igor Popov, Vitaliy Nerush, Stepan Pankratov, Yevgeniy Sokolov, Mikhail Veselov, nahama Anatoliy Yagupov. Muchuchisi haasati ataura kuti anoda kuti vapiwe mutongo wakareba sei.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 13 July 2020

    Dzimba dzinopfuura 100 dzeZvapupu zvaJehovha zvinogara muVoronezh nemunzvimbo dzakapoteredza dzakasechwa. Hama nehanzvadzi dzinopfuura 40 dzakatorwa kuti dzinobvunzurudzwa. Hama 10 dzine mazita ambotaurwa pamusoro apa dzakaiswa mujeri

  2. 14-15 July 2020

    Vese vari 10 vakavharirwa vachimirira kuti nyaya yavo izotongwa kuzotongwa

  3. 3 August–18 September 2020

    Hama Baev, Pankratov, Popov, nahama Yagupov vakabudiswa mujeri asi vakanzi vasabva pamba

  4. 1-3 December 2020

    Hama Antyukhin, Galka, Gurskiy, Nerush, Sokolov, nahama Veselov vakabudiswa mujeri. Hama Baev, Pankratov, Popov nahama Yagupov vakabvumidzwa kubva pamba

  5. 13 December 2021

    Nyaya inotanga kutongwa mudare

Nhoroondo Yeupenyu

Zvinotikurudzira kuona kuti kutsungirira kuri kubatsira sei hama nehanzvadzi dzedu muRussia pavari kuramba vachivimba naJehovha.—Jakobho 1:4.

a Hatina kukwanisa kuwana pikicha yahama Pankratov.