Enda pane zvauri kuda

Hama Sergey Kuznetsov

6 JANUARY 2023
RUSSIA

“Kuvimba Kwandinoita naJehovha Kuri Kutowedzera”

“Kuvimba Kwandinoita naJehovha Kuri Kutowedzera”

Dare reNevinnomyssk City Court of the Stavropol Territory rava pedyo kupa mutongo waro panyaya ine chekuita naHama Sergey Kuznetsov. Muchuchisi haasati ataura kuti anoda kuti vapiwe mutongo wakaita sei.

Nhoroondo Yeupenyu

Kubatsirwa kwaitwa Sergey naJehovha kunosimbisa chivimbo chedu chekuti Jehovha anoona ‘kutambudzika kwedu’ uye kuti ‘achatisimudza’ achitibatsira mumatambudziko edu ese.—Isaya 63:9.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 21 November 2018

    Zvapupu zvakawanda zvemuNevinnomyssk, kusanganisira Sergey zvakapindirwa mudzimba nechisimba nemapurisa

  2. 12 December 2019

    Vakatanga kupomerwa mhosva

  3. 18 June 2020

    Zita ravo rakanyorwa pamazita evanhu vanonzi vanopandukira hurumende

  4. 31 May 2022

    Vakarambidzwa kuita nzendo

  5. 7 September 2022

    Nyaya yakatanga kutongwa mudare