Enda pane zvauri kuda

Hama Aleksandr Nikolayev nemudzimai wavo, Yevgeniya

30 DECEMBER 2021
RUSSIA

Kuvimba naJehovha Kuri Kuita Kuti Hama Nikolayev Vasanyanya Kunetseka

Kuvimba naJehovha Kuri Kuita Kuti Hama Nikolayev Vasanyanya Kunetseka

Zvinhu Zvakaitika

  1. 23 December 2021

    Dare reAbinskiy District Court riri muKrasnodar rakati Hama Aleksandr Nikolayev vane mhosva uye rakavatongera kugara mujeri kwemakore maviri nehafu

  2. 30 September 2021

    Vakaiswa mujeri vachimirira kupiwa mutongo

  3. 4 August 2021

    Nyaya yavo yakapinda mudare

  4. 26 May 2021

    Vakapomerwa mhosva yekutaura nyaya dzeBhaibheri nehama neshamwari. Vari kuongorora nyaya yacho vanoona kuita izvozvo semhosva inokanganisa kugadzikana uye kuchengeteka kwevanhu munyika

  5. 7 April 2021

    Na6 dzemangwanani, mapurisa akasecha imba yahama nahanzvadzi Nikolayev. Vakatora Aleksandr kuti vanomubvunzurudza achibva azonzi adzokere kumba

  6. 31 March 2021

    Aleksandr anopomerwa mhosva

Nhoroondo Yeupenyu

Tine chokwadi chekuti Jehovha achakomborera hama Aleksandr uyewo hama nehanzvadzi dzakatendeka dziri kuRussia nekuCrimea sezvo vari kuramba vakaisa tariro yavo muna Jehovha uye vachivimba naye.—Jeremiya 17:7.