18 FEBRUARY 2020
RUSSIA
Mapurisa Akarova Hama Vadim Kutsenko Muguta reChita kuRussia
Mapurisa emuguta reChita kuRussia, akatambudza mumwe weZvapupu zvaJehovha, hama Vadim Kutsenko, usiku hwa10 February 2020. Vakarova hama Kutsenko nekuvadzipa uye vakavagwinha nemagetsi padumbu nepagumbo. Pavaiita izvi, vaivamanikidza kuti vavaudze nezvevamwe vavanonamata navo.
Mangwanani emusi wa10 February, mapurisa epachivande eFederal Security Services (FSB) akasecha dzimba dzinoda kusvika 40 dzeZvapupu zvinogara muChita, kusanganisira imba yahama Kutsenko. Vakasunga hama Kutsenko na11 dzemanheru, pavaiva kumba kwaamai vemudzimai wavo. Vakavasunga necheni, vachibva vavavhara kumeso, vakavaendesa kune rimwe sango riri pedyo kwavakanovarova. Pasinei nekutambudzwa kwavakaitwa, hama Kutsenko vakaramba kutaura mashoko ane chekuita nevavanonamata navo. Mapurisa paakaona kuti zvavaiita zvakanga zvisiri kushanda, vakabva vavaendesa kuti vanobvunzurudzwa zvakare.
Hama Kutsenko nedzimwe hama nhatu dzakasungwawo pashure pekusechwa kwedzimba muChita vakabva vaiswa mujeri vachimirira kuti nyaya yavo itongwe. Hama dzacho nhatu ndiSergey Kirilyuk, Pavel Mamalimov, naVladimir Yermolayev.
Pashure pemazuva maviri, dare reIngodinskiy District Court rakapa mutongo wekuti hama Kutsenko, hama Kirilyuk, nahama Mamalimov varambe vari mujeri kwemaawa 72. Hama Yermolayev vakabudiswa mujeri vachibva vanzi havachabvumidzwi kubva pamba.
Musi wa15 February, hama Kutsenko, hama Kirilyuk, nahama Mamalimov vakasunungurwa nekuti munhu aivabvunzurudza akashaya umboo hwakakwana hwekuti avapomere mhosva. Akabva avasunungura nyaya yacho isina kuenda kudare uye haana kuvarambidza kuita zvimwe zvinhu.
Tinonyengeterera hama Kutsenko nehama dzedu dziri muRussia kuti varambe ‘vakashinga uye vasimbe,’ vachinyatsovimba kuti Jehovha ari kuvatsigira pamatambudziko ese avari kusangana nawo.—Joshua 1:7, 9.