22 MAY 2023
RUSSIA
“Munhu Wese Anombotya, Asi Tinogona Kusarudza Kuva Neushingi”
Musi wa24 March 2023, dare reZheleznodorozhny District Court of Krasnoyarsk rakapa mutongo waro panyaya ine chekuita naHanzvadzi Nataliya Voropaeva. Vakanzi vabhadhare faindi inosvika 360 000 rubles (US$4 730).
Nhoroondo Yeupenyu
Kungofanana naNataliya, isuwo tine chido chakasimba ‘chekunyatsoshinga tichiti: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi.”’—VaHebheru 13:6.
Zvinhu Zvakaitika
November 2017–November 2020
Mapurisa akatanga kuongorora zvese zvavaiita uye imba yavo yakasechwa. Vakabvunzurudzwa paiongororwa nyaya yaHama Andrey Stupnikov
5 September 2022
Mapurisa akavhura dhoketi renyaya yavo
6 September 2022
Vakarambidzwa kuita nzendo
20 October 2022
Vakapomerwa mhosva
27 February 2023
Nyaya yavo yakapinda mudare
24 March 2023
Vakanzi vabhadhare faindi inosvika 360 000 rubles (US$4 730)