Enda pane zvauri kuda

27 JANUARY 2020
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA | Dare remuRussia Rakati Hama Aleksandr Prianikov, Hanzvadzi Venera Dulova Nemwanasikana Wavo Darya Vane Mhosva

NYAYA IYI PAYAVA | Dare remuRussia Rakati Hama Aleksandr Prianikov, Hanzvadzi Venera Dulova Nemwanasikana Wavo Darya Vane Mhosva

Musi wa15 March 2022, dare reSverdlovsk Regional Court rakati mutongo wakapiwa hama Aleksandr Prianikov, uye hanzvadzi Venera Dulova pamwe chete nemwanasikana wavo hanzvadzi Darya Dulova vachinzi vane mhosva hauchashanda. Kunyange zvakadaro, vese vari vatatu vakanzi vane mhosva pane imwe nyaya yavaipomerwa.

Musi wa27 January 2020, dare reKarpinsk City Court rakati hama Aleksandr, hanzvadzi Venera naDarya vane mhosva. Hama Prianikov vakapiwa mutongo wekugara mujeri kwemakore maviri nehafu, hanzvadzi Venera Dulova vapiwa makore maviri uye hanzvadzi Darya Dulova vakapiwa gore rimwe chete. Mitongo iyi yakasendekwa padivi kana vakatevedzera mitemo yavakapiwa. Vachakwidza nyaya yavo kuti itongwezve.