Enda pane zvauri kuda

Hama Yevgeniy Bitusov naHama Leonid Druzhinin

30 NOVEMBER 2022 | NYAYA IYI PAYAVA: 29 DECEMBER 2022
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA DZEDU DZAKASUNGWA | Vakawedzera Kuva Neunhu hwechiKristu

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA DZEDU DZAKASUNGWA | Vakawedzera Kuva Neunhu hwechiKristu

Dare reZeyskiy District Court of the Amur Region rakati Hama Yevgeniy Bitusov naHama Leonid Druzhinin vane mhosva. Hama Bitusov vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 6 uye Hama Druzhinin vakatongerwa makore 6 nehafu. Vese vakabva vatonovharirwa.

Nhoroondo Yeupenyu

Tinodada nehama nehanzvadzi dzedu idzo dziri kuramba dzichiratidza kuti vashumiri vaMwari kuburikidza nekutsungirira kwavari kuita uye kuratidza mwoyo murefu.—2 VaKorinde 6:3-10.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 21 March 2019

    Mapurisa akasecha dzimba dzakawanda dzeZvapupu zvaJehovha zvinogara mutaundi reZeya, kusanganisira imba yaHama Yevgeniy neyaHama Leonid

  2. 10 August 2020

    Hama Yevgeniy naHama Leonid vakatanga kupomerwa mhosva

  3. 13 October 2020

    Mapurisa akasecha zvakare imba yaHama Yevgeniy neyaHama Leonid. Hama Leonid vakabva vaita maawa maviri vachibvunzurudzwa

  4. 20 June 2022

    Nyaya yavo yakatanga kutongwa mudare