Enda pane zvauri kuda

Hama Maksim Morozov nahama Yuriy Usanov

24 AUGUST 2022 | NYAYA IYI PAYAVA:16 AUGUST 2023
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA DZEDU DZAKASUNUNGURWA | Kufungawo Vamwe Kuri Kubatsira Hama Kuti Dzitsungirire Kugara Mujeri

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA DZEDU DZAKASUNUNGURWA | Kufungawo Vamwe Kuri Kubatsira Hama Kuti Dzitsungirire Kugara Mujeri

Musi wa15 August 2023, dare reCity Court of the Kemerovo Region rakati Hama Maksim Morozov naYuriy Usanov vane mhosva richibva ravapa mutongo wekugara mujeri kwemakore matatu. Asi nemhaka yenguva yavakagara mujeri vachimirira kuti nyaya yavo itongwe, havachafaniri kuramba vakavharirwa mujeri. Vakabva vatosunungurwa.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 1 April 2021

    Hama Yuriy vakapomerwa mhosva yekuronga misangano yechitendero chakabhanwa

  2. 2 April 2021

    Mapurisa akaita maawa matatu achisecha imba yaYuriy. Akabva asungwa akanovharirwa achimirira kuti nyaya yacho ipinde mudare

  3. 4 August 2021

    Hama Maksim vakapomerwa mhosva

  4. 6 August 2021

    Hama Maksim vakasungwa uye vakaita usiku hwese vari muchitokisi

  5. 7 August 2021

    Hama Maksim vakanzi vakanga vapara mhosva uye vakavharirwa vachimirira kuti nyaya yacho ipinde mudare

  6. 16 May 2022

    Nyaya yakatanga kupinda mudare

Nhoroondo Yeupenyu

Tinoziva kuti Jehovha anokoshesa chaizvo hama nehanzvadzi idzi dzinofunga zvakanakirawo vamwe. Tine chokwadi chekuti Jehovha acharamba achivakomborera iye zvino uye achatowedzera kuvakomborera mune ramangwana.—VaHebheru 11:26.

a Pakanyorwa nyaya ino, hama Usanov vakanga vakavharirwa vachimirira kuti nyaya yavo itongwe saka hatina kukwanisa kutaura navo.