Enda pane zvauri kuda

Kuruboshwe: Hama Yuriy Baranov nemudzimai wavo, Nadezhda. Kurudyi: Hama Nikolay Stepanov nemudzimai wavo, Alla

8 JUNE 2022
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YAKABUDISWA MUJERI | Kutsigirwa Nevavanonamata Navo

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YAKABUDISWA MUJERI | Kutsigirwa Nevavanonamata Navo

Musi wa10 November 2022, dare reVologda Regional Court rakapa mutongo waro panyaya yaHama Yuriy Baranov naHama Nikolay Stepanov. Mutongo waHama Yuriy hauna kuchinjwa. Mutongo waHama Nikolay wekugara mujeri kwemakore mana wakambosendekwa. Vakabva vabudiswa mujeri.

Musi wa5 September 2022 dare reVologda City Court rakati Hama Yuriy Baranov naHama Nikolay Stepanov vane mhosva. Hama Yuriy vakatongerwa kugara mujeri kwemakore mana asi mutongo wacho wakambosendekwa. Havasati vava kufanira kuenda kujeri pari zvino. Hama Nikolay vakatongerwa kugara mujeri kwemakore mana uye vakabva vatovharirwa.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 19 December 2019

    Mapurisa akapinda nechisimba mudzimba 6 dzeZvapupu zvaJehovha muVologda. Yuriy naNikolay vakasungwa vachibva vavharirwa

  2. 20 December 2019

    Yuriy akabudiswa mujeri asi akanzi asabva pamba

  3. 23 December 2019

    Nikolay akanovharirwa achimirira kuti nyaya ipinde mudare

  4. 16 March 2020

    Yuriy akabvumirwa kubva pamba asi akapiwa mitemo yaiita kuti asakwanisa kushandisa foni kana kuenda paindaneti uye kukurukura nevamwe vaibatanidzwawo mumhosva yaaipomerwa

  5. 19 May 2020

    Yuriy akabvisirwa mitemo yaainge akapiwa

  6. 13 August 2020

    Nikolay akabudiswa mujeri asi akanzi asabva pamba

  7. 25 September 2020

    Nikolay akatanga kubvumidzwa kubva pamba

  8. 7 March 2022

    Nyaya yakatanga kutongwa mudare

Nhoroondo Yeupenyu

Zvinosimbisa kutenda kuona hama nehanzvadzi dzedu dzichiramba dzakatendeka pasinei nekutambudzwa.—1 VaTesaronika 3:7.