Enda pane zvauri kuda

Hama Kirill Gushchin nemudzimai wavo, Svetlana

MARCH 9, 2022 | NYAYA IYI PAYAVA: MAY 2, 2024
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YAKANZI HAINA MHOSVA | Hama Kirill Gushchin Vari Kusimbiswa Nekunyengeterera Vamwe

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YAKANZI HAINA MHOSVA | Hama Kirill Gushchin Vari Kusimbiswa Nekunyengeterera Vamwe

Musi wa2 May 2024, dare reMayskiy District Court of the Kabardino-Balkarian Republic rakati Hama Kirill Gushchin havana mhosva panyaya dzese dzavaipomerwa.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 20 May 2020

    Mapurisa eFSB aiva akabata pfuti uye akazvivhara kumeso akangoerekana asvika pamba pahama Gushchin pavakanga vava kuda kubuda kuti vaende kubasa. Vakabva vavaisa cheni vachibva vavapinza mumba. Ivo nemudzimai wavo Svetlana, vakavharirwa muine rimwe kamuri, mapurisa paaisecha. Mumwe mupurisa akauya nemamwe mabhuku akabhanwa nehurumende achibva amaisa mubhedhurumu mahama nahanzvadzi Gushchin uye mamwe akamaisa mune rimwe kamuri

  2. 26 April 2021

    Mapurisa akavhura dhoketi vachishandisa umboo hwakapiwa nemumwewo munhu akarekodha pachivande misangano yeungano yaiitwa. Munhu ari kuongorora nyaya iyi ari kupomera hama Gushchin mhosva yekuimba, kunyengetera uye kukurukura nevamwe mashoko ari pana 1 VaKorinde 13:8 anoti: “Rudo harumboperi.”

  3. 28 April 2021

    Mapurisa akapomera hama Gushchin mhosva. Hanzvadzi Gushchin nedzimwe hanzvadzi 4 vakapomerwa mhosva

  4. 19 May 2021

    Mumwe mupurisa weFSB aibatanidzwa pakuongorora nyaya iyi, akambobatwa nemhosva yekupa umboo hwenhema hwekusungirira Zvapupu zvaJehovha uye apa zvakare ari kupomerwa mhosva yekutyisidzira Zvapupu. Mukuru wevanoongorora mhosva akati nyaya iyi imbodzokera kumuchuchisi inoongororwa zvekare

  5. 7 June 2021

    Nyaya yakapinda mudare reMayskiy District Court

Nhoroondo Yeupenyu

Tine chokwadi chekuti Jehovha achava “nzvimbo yekupotera munguva dzekutambudzika” kuna Hama Gushchin nedzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzese dziri kutsungirira kutambudzwa kuRussia nekuCrimea.—Pisarema 9:9, 10.