Enda pane zvauri kuda

Hama Andrey Perminov nemudzimai wavo, Natalya

26 OCTOBER 2022 | NYAYA IYI PAYAVA: 22 NOVEMBER 2022
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YAKANZI INE MHOSVA | “Ndinogona Kutsungirira Chero Chii Zvacho Ndichabatsirwa naJehovha”

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YAKANZI INE MHOSVA | “Ndinogona Kutsungirira Chero Chii Zvacho Ndichabatsirwa naJehovha”

Musi wa21 November 2022, Dare reAsha City Court of the Chelyabinsk Region rakati Hama Andrey Perminov vane mhosva uye rakavatongera kugara mujeri kwemakore 6 asi mutongo wavo wakambosendekwa padivi. Havasati vava kufanira kuenda kujeri pari zvino.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 11 June 2021

    Mapurisa akasecha dzimba 5 dzeZvapupu zvinogara muguta reAsha nereMinyar, kusanganisira imba yaAndrey. Mapurisa akavatorera zvinhu zvavo zvakawanda

  2. 10 November 2021

    Andrey akarambidzwa kuita nzendo

  3. 27 April 2022

    Akapomerwa mhosva yekubatana nesangano revanhu vanopandukira hurumende uye zita rake rakanyorwa pamazita evanhu vanokonzera mhirizhonga

  4. 6 June 2022

    Nyaya inotanga kutongwa mudare

Nhoroondo Yeupenyu

Kungofanana naAndrey, kufunga nezvekutsigira kwakaita Jehovha vashumiri vake vekare kunogona kutipa ushingi. Tinonyatsovimba nevimbiso yaMwari yekuti: “Ndichakusimudza, ndichakutakura uye ndichakununura, sezvandakaita.”—Isaya 46:4.