Enda pane zvauri kuda

Hama Yevgeniy Yegorov

APRIL 1, 2021 | NYAYA IYI PAYAVA: FEBRUARY 17, 2023
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YEDU YAKANZI INE MHOSVA | Dare remuRussia Rinorambidza Hama Yevgeniy Yegorov Kushandisa Kodzero Yavo Yekunamata

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YEDU YAKANZI INE MHOSVA | Dare remuRussia Rinorambidza Hama Yevgeniy Yegorov Kushandisa Kodzero Yavo Yekunamata

Musi wa17 February 2023, dare reBirobidzhan District Court of the Jewish Autonomous Region rakati Hama Yevgeniy Yegorov vane mhosva richibva ravapa mutongo wekugara mujeri kwemakore maviri nehafu, asi mutongo wacho wakambosendekwa. Havasati vava kufanira kuenda kujeri pari zvino.

Musi wa3 October 2022, dare reCourt of the Jewish Autonomous Region rakati mutongo wakapiwa Hama Yevgeniy wekuti vane mhosva hauchashandi. Izvi zvakaitwa pachitevera chisarudzo chakaitwa nedare reNinth General Jurisdiction Court of Cassation chekudzorera nyaya yavo kuti itongwezve nedare reCourt of the Jewish Autonomous Region. Nyaya yavo ichaendeswa kudare reBirobidzhan District Court of the Jewish Autonomous Region kuti itongwezve.

Musi wa25 November, 2021, dare remunharaunda yeJewish Autonomous Region rakaramba chikumbiro chahama Yevgeniy Yegorov chekuti nyaya yavo idzoswe mudare. Mutongo wavakanga vapiwa ndiwo uchiri kushanda. Havasi kufanira havo kuendeswa kujeri iye zvino.

Musi wa21 June, 2021, dare reBirobidzhan District Court remunharaunda yeJewish Autonomous Region rakati Yevgeniy ane mhosva richibva ramutongera kugara mujeri kwemwedzi 30 asi mutongo wacho wakambosendekwa padivi.

Nhoroondo Yeupenyu

Yevgeniy Yegorov

  • Akaberekwa: 1991 (Birobidzhan)

  • Upenyu Hwake: Akarerwa naamai vake naambuya vake. Akadzidza zvemagetsi. Anoita basa rekugadzira makiyi nezvinhu zvinenge zvafa. Anofarira chaizvo kuverenga nekunyora. Akatobudisa bhuku nenhetembo dzakati wandei. Akabhabhatidzwa seChapupu chaJehovha muna 2005. Akaroora mudzimai wake anonzi Kseniya, muna September 2019. Muna August 2020, vakava nemwana mukomana.

Matangiro Akaita Nyaya Yacho

Muna May 2018, mapurisa epachivande eFederal Security Service (FSB) akasecha dzimba dzakawanda muBirobidzhan. Nguva pfupi asati achata, Yevgeniy akapomerwa mhosva yekupinda misangano nekuverenga Bhaibheri. Akabva arambidzwa kufamba nzendo. Amai vaYevgeniy, Larisa Artamonova, vakapomerwawo mhosva achangochata. Muna December 2019, nyaya yake yakatanga kutongwa mudare reBirobidzhan District Court.

Yevgeniy anoti iye zvino ava kunyatsonzwa ava pedyo naJehovha. Anoti: “Pandakanga ndakaomerwa chaizvo, Jehovha akandidzikamisa uye akandipa ‘simba rakawedzerwa pane randagara ndiinaro.’”—2 VaKorinde 4:7.

Kunyange zvazvo Jehovha ari kumubatsira, Yevgeniy anoziva kuti anofanira kugara akagadzirira zviri mberi uye kuramba ari pedyo naJehovha. Anoti: “Ndinoona sekuti chinhu chinonyanya kukosha kusimbisa ushamwari hwangu naJehovha pasinei nemamiriro akaita zvinhu muupenyu hwangu.”

Pasinei nematambudziko avari kusangana nawo, tine chokwadi chekuti Yevgeniy naKseniya, nehama nehanzvadzi dzedu dzese muRussia, vachasimbiswa nemashoko ari pana Pisarema 10:17 anoti: “Asi muchanzwa chikumbiro chevanyoro, haiwa Jehovha. Muchasimbisa mwoyo yavo monyatsovateerera.”