Enda pane zvauri kuda

Hama Viktor Shayapov

10 AUGUST 2022
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YEDU YAKANZI INE MHOSVA | Kuonga Mutsa waJehovha Kuri Kubatsira Viktor Shayapov Kutsungirira Achifara

NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YEDU YAKANZI INE MHOSVA | Kuonga Mutsa waJehovha Kuri Kubatsira Viktor Shayapov Kutsungirira Achifara

Musi wa7 November 2022, dare reNikolskiy District Court of the Penza Region rakati Hama Viktor Shayapov vane mhosva richibva ravapa mutongo wekugara mujeri kwemakore maviri, asi mutongo wacho wakambosendekwa padivi. Havasati vava kufanira kuenda kujeri pari zvino.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 19 August 2021

    Akapomerwa mhosva yekuita mabasa ekupandukira hurumende

  2. 5 February 2022

    Akamiswa nemapurisa. Zuva iroro, mapurisa akapinda mumba make nechisimba achibva asecha. Akasungwa achibva aendeswa kuguta rePenza, iro riri kure nemakiromita 460 kubva pamba pake

  3. 6 February 2022

    Akavharirwa mujeri

  4. 8 February 2022

    Akabudiswa mujeri achibva anzi asabva pamba

  5. 28 March 2022

    Nyaya inopinda mudare

Nhoroondo Yeupenyu

Tinoonga kuti tinoziva kuti rugare rwatinowana nemhaka yekuti Jehovha anotiratidza rudo rusingachinji runochengetedza mwoyo yedu nepfungwa munguva dzakaoma.—VaFiripi 4:7.